Jakobho 5:7-12
Jakobho 5:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino, hama dzangu, ivai nomwoyo murefu, kusvikira pakuuya kwaShe. Tarirai mamiriro anoita murimi kuti aone chibereko chinokosha chenyika uye kuti anoita mwoyo murefu sei pakumirira kwake mvura yomunakamwe nemvura yamasutso. Nemiwo, ivai nomwoyo murefu uye mumire nesimba, nokuti kuuya kwaShe kwava pedyo. Musanyunyutirana, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Mutongi amire pamusuo! Hama dzangu, somuenzaniso womwoyo murefu pakutambudzika, tarirai vaprofita vakataura muzita raShe. Sezvamunoziva, tinoti vakaropafadzwa avo vakatsungirira. Makanzwa zvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvakaitwa naIshe pakupedzisira. Ishe azere netsitsi nengoni. Pamusoro pazvo zvose, hama dzangu, musapika, nedenga kana nenyika kana nechimwe chinhu zvacho. “Hongu” yenyu ngaive hongu, uye “Kwete” yenyu ngaive kwete, kuti murege kutongwa.
Jakobho 5:7-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo hama dzangu, tsungirirai kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarirai, murimi anomirira chibereko chenyika chinokosha, achitsungirira pamusoro pazvo kusvikira zvapiwa mvura yokutanga neyokuguma. Nemiwo tsungirirai; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwava pedyo. Hama dzangu, musanyunyutirana kuti murege kutongwa; tarirai, mutongi amire pamusuo. Hama dzangu mukutambudzika nokutsungirira teverai makwara avaporofita vakataura nezita raIshe. Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, akaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe anomwoyo munyoro kwazvo, ane tsitsi. Asi, hama dzangu, kupfuura zvinhu zvose, musapika, kunyange nedenga, kana nenyika, kana nokupika kumwe kwose; asi hongu yenyu ngaive hongu, kwete yenyu ngaive kwete; kuti murege kutongwa.
Jakobho 5:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Itai zvenyu mwoyo murefu hama dzangu kusvikira Tenzi auya. Tarisai muone murimi anorima michero inokosha yenyika. Anoita mwoyo murefu nazvo kusvikira yawana mvura yomunhuruka neyokupedzisira. Imiwo munofanira kuita mwoyo murefu; mutsunge mwoyo nokuti Tenzi ava pedyo nokuuya. Musanyunyutirane, hama dzangu, kuti murege kutongwa. Hoyo mutongi wotosvika, ava pamisuo. Hama dzangu, torai; vaporofita vaitaura muzita raTenzi somuenzaniso wokutambudzika uye wokuita mwoyo murefu. Inga wani tinoti vakakomborerwa vakatirira. Inga makanzwa kutirira kwaJobhu mukaona chinangwa chaTenzi kuti Tenzi ane ngoni netsitsi zvakadii. Asi kupfuura zvose, hama dzangu musapike nedenga kana nenyika kana nokupika kupi zvako. Regai hongu wenyu angova, hongu uye, kwete wenyu angova kwete kuti murege kupiwa mhosva.
Jakobho 5:7-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo hama dzaŋgu, tsuŋgirirai kuȿikira pakuʋuya kwaShe. Tarirai, murimi unomirira ciɓereko cenyika cinokosha, acitsuŋgirira pamsoro paɀo kuȿikira ɀapiwa mvura yokutaŋga neyokuguma. Nemi ʋo tsuŋgirirai; simbisai mŋoyo yenyu, nokuti kuʋuya kwaShe kwaʋa pedyo. Hama dzaŋgu, musanyunyutirana kuti murege kutoŋgwa; tarirai, mutoŋgi umire pamukoʋa. Hama dzaŋgu, pakutambudzika nokutsuŋgirira teʋerai makwara aʋaprofita ʋakataura nezita raShe. Tarirai, ʋakatsuŋga mŋoyo tinoti ʋakaropafadzwa; makanzwa ɀokutsuŋgirira kwaJobo, makaʋona Ishe ɀaakaʋaʋarira naye, kuti Ishe unomŋoyo munyoro kwaɀo, unetsitsi. Asi, hama dzaŋgu, kupfuʋura ɀinhu ɀose, musapika, kunyaŋge neɗeŋga, kana nenyika, kana nokupika kumŋe kwose; asi hoŋo, yenyu ŋgaiʋe hoŋo, kwete yenyu ŋgaiʋe kwete; kuti murege kutoŋgwa.
Jakobho 5:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)