Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 66:10-13

Isaya 66:10-13 BDSC

“Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise nokuda kwaro, imi mose munorida; farisisai pamwe chete naro, imi mose munochema pamusoro paro. Nokuti muchanwa mukaguta pamazamu ake anonyaradza; muchanwa zvikuru kwazvo uye muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.” Nokuti zvanzi naJehovha: “Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi, uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova; muchayamwa uye muchatakurwa paruoko rwake, uye muchavaraidzwa pamabvi ake. Samai vanonyaradza mwana wavo, saizvozvo ndichakunyaradzai; uye muchanyaradzwa pamusoro peJerusarema.”