Isaya 66:10-13
Isaya 66:10-13 SNA2002
“Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imi mose munorida; farai nomufaro mukuru naro, imi mose munorichema; kuti munwe, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti muyamwe, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nepfuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.’ “Somunhu anovaraidzwa namai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai; muchavaraidzwa paJerusaremu.


