Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 59:15-19

Isaya 59:15-19 BDSC

Zvokwadi haichawanikwi uye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa. Jehovha akatarisa akasafara kuti pakanga pasisina kururamisira. Akaona kuti pakanga pasina munhu, akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, uye kururama kwake kwakamuraramisa. Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso mumusoro make; akashonga nguo dzokutsiva akazviputira mukushingaira kwake seanozviputira nejasi. Sezvavakaita, saizvozvo acharipira hasha kuvavengi vake nokutsiva kuvadzivisi vake; acharipira zvakafanira kuzviwi. Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha, uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake. Nokuti achauya sokudira kworwizi runosundwa nokufema kwaJehovha.