Isaya 59:15-19
Isaya 59:15-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvokwadi haichawanikwi uye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa. Jehovha akatarisa akasafara kuti pakanga pasisina kururamisira. Akaona kuti pakanga pasina munhu, akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, uye kururama kwake kwakamuraramisa. Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso mumusoro make; akashonga nguo dzokutsiva akazviputira mukushingaira kwake seanozviputira nejasi. Sezvavakaita, saizvozvo acharipira hasha kuvavengi vake nokutsiva kuvadzivisi vake; acharipira zvakafanira kuzviwi. Kubva kumavirira, vanhu vachatya Jehovha, uye kubva pakubuda kwezuva, vachakudza kubwinya kwake. Nokuti achauya sokudira kworwizi runosundwa nokufema kwaJehovha.
Isaya 59:15-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvirokwazvo, chokwadi chinoshaikwa; anotiza zvakaipa anopambwa; Jehovha akazviona, zvikasamufadza kuti kwakanga kusina kururamisa. Akaona kuti hakuna munhu, akashamiswa nokuti kwakanga kusina murevereri; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, kururama kwake kwakamutsigira. Akashonga kururama sechidzitiro chechipfuva, nenguwani yoruponeso pamusoro wake, akafuka nguo dzokutsiva zvikava zvokufuka zvake, akapfekedzwa nokushingaira sejasi. Sezvavakaita, achavaripira saizvozvo, kutsamwa kuvadzivisi vake, nokutsiva kuvavengi vake; zvivi uchazviripira mubayiro wokutsiva. Naizvozvo vachatya zita raJehovha kubva kumavirazuva, noumambo hwake kubva kumabvazuva; nokuti achauya sorwizi runodira, runotinhwa nomweya waJehovha.
Isaya 59:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hapana kwaunowana chokwadi anenge angoti regai ndisiyane nouipi ndiye anobva atopinda mupfumvu.” Tenzi akazviona uye hazvina kumufadza kuti hapana ruenzaniso. Akaona kuti pakanga pasina kana munhu zvake, akashamiswa kuti pakanga pasina angarandutsire. Ipapo simba roruoko rwake rakamuwanisa kukunda, ururami hwake huchimutsigira. Akapfeka ururami demautare rokuzvidzivirira naro muhondo noruponeso senguwani yesimbi, akapfeka kutsividza sehanzu dzokupfeka akazviputira nehasha somunhu afuka jira. Achavatsividza maererano nezvavakaita mhandu dzake achidzionesa hasha, vavengi vake achivatsividza. Nyika dzokumahombekome kwegungwa achadzitsividza. Naizvozvo vachatya zita raMwari kubva kumadokero, iyo mbiri yaMwari kubva kumabvazuva nokuti achauya sakakova kazere kanenge kachitututswa nemhepo yaTenzi.
Isaya 59:15-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀirokwaɀo, ɀokwaɗi inoshaikwa; unotiza ɀakaipa unopambga; Jehova wakaɀiʋona, ɀikasamufadza kuti kwakaŋga kusina‐kururamisa. Akaʋona kuti hakunomunhu, akashamiswa nokuti kwakaŋga kusinomureʋereri; naiɀoɀo ruʋoko rwake rwakamuʋigira ruponeso, kururama kwake kwakamutsigira. Wakashoŋga kururama secidzitiro cecifuʋa, neŋgowani yoruponeso pamusoro wake, akafuka ŋguʋo dzokutsiʋa ɀikaʋa ɀokufuka ɀake, akapfekedzwa nokushiŋgaira sejasi. Seɀaʋakaita, ucaʋaripira saiɀoɀo, kutsamŋa kuʋadziʋisi ʋake, nokutsiʋa kuʋaʋeŋgi ʋake; ɀiwi ucaɀiripira muɓairo wokutsiʋa. Naiɀoɀo ʋacatya zita raJehova kubva kumaʋirazuʋa, noʋumambo bgake kubva kumabvazuʋa; nokuti ucaʋuya sorwizi runoɗira, runotinhwa nomŋeya waJehova.
Isaya 59:15-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)