“Imba, iwe mukadzi asina mwana,
iwe usina kumbobereka mwana
pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro,
iwe usina kumborwadziwa;
nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura
veane murume,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Wedzera nzvimbo yetende rako,
tambanudza micheka yetende rako ifare,
usarega kuita izvozvo;
rebesa tambo dzako,
simbisa mbambo dzako.
Nokuti uchapararira kurudyi nokuruboshwe;
vana vako vachatorera dzimwe ndudzi
uye vachagara mumatongo amaguta avo.
“Usatya hako: haunganyadziswi.
Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi.
Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako,
uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako.
Nokuti Muiti wako ndiye murume wako,
Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake,
Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako;
anonzi Mwari wenyika yose.
Jehovha achakudanazve
sokunge wanga uri mukadzi akasiyiwa, uye anotambudzika pamweya,
mukadzi akawanikwa achiri mudiki,
pedzezvo ndokurambwa,” ndizvo zvinotaura Mwari wako.
“Kwechinguvana ndakakusiya,
asi netsitsi huru ndikakudzosazve.
Ndichisundwa nehasha
ndakavanza chiso changu kwauri kwechinguva,
asi nounyoro husingaperi
ndichava netsitsi, pamusoro pako,”
ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikinuri wako.
“Kwandiri izvi zvakafanana namazuva aNoa,
pandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haizofukidzizve nyika.
Naizvozvo zvino ndapika kuti ndirege kukutsamwira,
kana kukutukazve.
Kunyange makomo akazungunuswa,
uye zvikomo zvikabviswa,
rudo rwangu rusingaperi harungazungunuswi,
uye sungano yangu yorugare haingabviswi,”
ndizvo zvinotaura Jehovha anokunzwira tsitsi.