Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 54:1-10

Isaya 54:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Imba, iwe mukadzi asina mwana, iwe usina kumbobereka mwana pururudza uimbe rwiyo, pembera nomufaro, iwe usina kumborwadziwa; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa ari oga vazhinji kupfuura veane murume,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Wedzera nzvimbo yetende rako, tambanudza micheka yetende rako ifare, usarega kuita izvozvo; rebesa tambo dzako, simbisa mbambo dzako. Nokuti uchapararira kurudyi nokuruboshwe; vana vako vachatorera dzimwe ndudzi uye vachagara mumatongo amaguta avo. “Usatya hako: haunganyadziswi. Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi. Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako, uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako. Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake, Mutsvene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako; anonzi Mwari wenyika yose. Jehovha achakudanazve sokunge wanga uri mukadzi akasiyiwa, uye anotambudzika pamweya, mukadzi akawanikwa achiri mudiki, pedzezvo ndokurambwa,” ndizvo zvinotaura Mwari wako. “Kwechinguvana ndakakusiya, asi netsitsi huru ndikakudzosazve. Ndichisundwa nehasha ndakavanza chiso changu kwauri kwechinguva, asi nounyoro husingaperi ndichava netsitsi, pamusoro pako,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikinuri wako. “Kwandiri izvi zvakafanana namazuva aNoa, pandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haizofukidzizve nyika. Naizvozvo zvino ndapika kuti ndirege kukutsamwira, kana kukutukazve. Kunyange makomo akazungunuswa, uye zvikomo zvikabviswa, rudo rwangu rusingaperi harungazungunuswi, uye sungano yangu yorugare haingabviswi,” ndizvo zvinotaura Jehovha anokunzwira tsitsi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 54

Isaya 54:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Imba, iwe ngomwa, iwe usina kubereka; imba kwazvo, uimbise, iwe usina kumbosununguka; nokuti zvanzi naJehovha, ‘Vana voari oga vazhinji kukunda vana vomukadzi akawanikwa.’ Kurisa nzvimbo yetende rako, ngavatatanure micheka yougaro hwako; usarega, asi urebese mabote ako, usimbise mbambo dzako. “Nokuti uchapararira kuruoko rworudyi nokuruboshwe; marudzi avanhu achava avana vako, vachagarisa maguta aiva matongo navanhu. Usatya hako, nokuti haunganyadziswi; usakanganiswa, nokuti haungavi nenyadzi; nokuti uchakanganwa kunyara kwohumhandara hwako, haungazorangariri kuzvidzwa kwohuchirikadzi hwako. Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehovha wehondo ndiro zita rake; Mutsvene waIsiraeri ndiye Mudzikunuri wako, iye achanzi Mwari wenyika yose. “Nokuti Jehovha akakudana somukadzi, akasiyiwa ane shungu pamweya, somukadzi akawanikwa achiri muduku ndokuzorambwa ndizvo zvinotaura Mwari wako. Ndakakusiya nguva duku, asi ndichakuunganidzazve nenyasha huru. Ndakakuvanzira chiso changu nguva duku nehasha dzakapupuma; asi ndichakunzwira nyasha nohunyoro husingaperi ndizvo zvinotaura Mudzikinuri wako. Nokuti izvi zvakaita kwandiri semvura zhinji yaNoa; nokuti sezvandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haingazofukidzizve nyika, saizvozvo ndakapika kuti handichazokutsamwirazve, kana kukutuka. Nokuti makomo angabva, nezvikomo zvingabviswa, asi hunyoro hwangu haungabvi kwauri, sungano yangu yorugare haingabviswi ndizvo zvinotaura Jehovha ane nyasha newe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 54

Isaya 54:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Imba zvako iwe usina mbereko iwe usina kumbobereka denhura rumbo upururudze iwe usina kumborwadziwa napamuviri nokuti vana vako iwe wakasiyiwa vachawanda kupfuura vana veakaroorwa ndizvo zviri kutaurwa naTenzi. Kudza-kudza tendhe rako udhadhanure machira emaunogara okudzikatirisa usaregedze zvako rebesa tambo dzako, hoko dzako ngadzinyatsoti ndendende kusimba, nokuti uchatekeshera uku nouku zvizvarwa zvako zvichatonga marudzi avanhu, maguta ava matongo vachaaita misha yavo. “Rega zvako kutya nokuti hausi kuzombonyara, rega zvako kutenderedzwa musoro nazvo nokuti hausi kuzombonyadziswa pamusana pokuti zvakakunyadzisa uchiri mudiki, uchatozvikanganwa uye kushorwa kwako pamusana pouchirikadzi hausi kuzombokuyeuka; nokuti Musiki wako ndiye murume wako Tenzi wehondo nehondo ndiro zita rake iroro, uye Anoera weIsiraeri ndiye Mununuri wako iye anonzi Mwari wapasi pose. Ndinodaro nokuti Tenzi achakudaidza somudzimai akanga arambwa akashungurudzwa mwoyo somusikana akabvisa jaya mugota paanenge zvino adzingwa, ndizvo zviri kutaurwa naMwari wako. Ndakambokuti furatirei kwechinguva, asi nengoni dzangu dzakawanda kudai ndichakuunganidzai. Nokungoti virukei kwechinguva kwandakanga ndaita nehasha, ndakakupa gotsi. Asi norudo rusingaperi ndichakunzwira tsitsi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mununuri wako. “Ndinodaro nokuti kwandiri ini, mazuva ano iwaya achaita semazuva aNowa andakatsidza kuti mafashamo aNowa haafaniri kuzombovazve panyika. Nokudaro ndinotsidza kuti handichazombokushatirirwazve kana kuzombokutsiudzazve. Ndinodaro nokuti makomo angabve zvawo paanenge ari, zvikomo zvikatozunguzika zvazvo; asi mwoyochena wangu kwauri iwe, hauzombobva uye chitenderano changu newe, chorugare, hachizombozunguziki ndizvo zviri kutaura Tenzi ane rudo newe.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 54

Isaya 54:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Imba, iwe ŋgomŋa, iwe usino‐kuɓereka; imba kwaɀo, uimbise, iwe usino‐kumbosurumuka; nokuti ɀanzi naJehova: Ʋana ʋouri‐oga ʋazhinji kukunda ʋana ʋomukadzi wakawanikwa. Kurisa nɀimbo yetente rako, ŋgaʋatatanure miceka yoʋugaro bgako; usarega, asi ureɓese maɓote ako, usimbise mbambo dzako. Nokuti ucapararira kuruʋoko rworudyi nokuruɓoshwe; marudzi aʋanhu acaʋa aʋana ʋako, ʋacagarisa maguta aiʋa matoŋgo naʋanhu. Usatya hako, nokuti hauŋganyadziswi; usakaŋganiswa, nokuti hauŋgaʋi nenyadzi; nokuti ucakaŋganwa kunyara kwoʋumhandara bgako, hauŋgazoraŋgariri kuɀidzwa kwoʋucirikadzi bgako. Nokuti Muiti wako ndiye murume wako, Jehova wehondo ndiro zita rake; Mutȿene waIsraeri ndiye Mudzikinuri wako, iye ucanzi Mŋari wenyika yose. Nokuti Jehova wakakuɗana somukadzi, wakasiyiwa uneshuŋgu pamŋeya, somukadzi wakawanikwa aciri muɗuku ndokuzorambga — ndiɀo ɀinotaura Mŋari wako. Ndakakusiya ŋguʋa ɗuku, asi ndicakuʋuŋganidza ɀe nenyasha huru. Ndakakuʋanzira ciso caŋgu ŋguʋa ɗuku nehasha dzakapupuma; asi ndicakunzwira nyasha noʋunyoro ʋusiŋgaperi — ndiɀo ɀinotaura Mudzikinuri wako. Nokuti iɀi ɀakaita kwandiri semvura zhinji yaNoa; nokuti seɀandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haiŋgazofukidzi ɀe nyika, saiɀoɀo ndakapika kuti handicazokutsamŋiri ɀe, kana kukutuka. Nokuti makomo aŋgabva, neɀikomo ɀiŋgabviswa, asi ʋunyoro bgaŋgu haʋuŋgabvi kwauri, suŋgano yaŋgu yorugare haiŋgabviswi — ndiɀo ɀinotaura Jehova unenyasha newe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 54

Isaya 54:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)