Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 43:1-17

Ezekieri 43:1-17 BDSC

Ipapo murume uya akandiuyisa kusuo rakatarisa kumabvazuva, uye ndakaona kubwinya kwaMwari waIsraeri kuchibva kumabvazuva. Inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji, uye pasi pakapenya nokubwinya kwake. Chiratidzo chandakaona chakanga chakaita sechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta uye nechiratidzo chandakaona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu. Kubwinya kwaJehovha kwakapinda mutemberi napasuo rakanangana nokumabvazuva. Ipapo mweya wakandisimudza ukandiisa muruvazhe rwomukati, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi. Murume uya achakamira pandiri, ndakanzwa mumwe achiti kwandiri ari mukati metemberi. Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choushe nenzvimbo yechitsiko chetsoka dzangu. Ndipo pandichagara ndiri pakati pavaIsraeri nokusingaperi. Imba yaIsraeri haichazosvibisizve zita rangu dzvene kunyange ivo kana madzimambo avo, noufeve hwavo uye zvifananidzo zvamadzimambo avo, zvisina upenyu panzvimbo dzavo dzakakwirira. Pavakaisa chikumbaridzo mujinga mechikumbaridzo changu namagwatidziro pajinga pegwatidziro rangu pachingova norusvingo pakati pangu naivo, vakasvibisa zita rangu dzvene nezvinonyangadza zvavakaita. Saka ndakavaparadza mukutsamwa kwangu. Zvino ngavarashire ufeve hwavo kure nezvifananidzo zvavo zvisina upenyu zvamadzimambo avo, ipapo ndichagara pakati pavo nokusingaperi. “Mwanakomana womunhu, rondedzera nezvetemberi kuvanhu veIsraeri, kuti vanyare pamusoro pezvivi zvavo. Ngavarangarire urongwa hwayo, uye kana vachinyara pamusoro pezvavakaita zvose, uvazivise magadzirirwo etemberi, nourongwa hwayo, panobudiwa napo napanopindwa napo, mamiriro ayo ose nemitemo yayo yose uye mirayiro yayo. Unyore izvi pamberi pavo kuti vagova vakatendeka kumagadzirirwo ayo vagotevera mitemo yayo yose. “Uyu ndiwo murayiro wetemberi: Nzvimbo dzose dzakapoteredza dziri pamusoro pegomo dzichava tsvene-tsvene. Ndiwo murayiro wetemberi iwoyu. “Izvi ndizvo zviyero zvearitari mumakubhiti marefu, kubhiti riri kubhiti noupamhi hwechanza: Chigadziko chayo chakadzika kubhiti rimwe chete nekubhiti rimwe chete paupamhi, nomuromo uno upamhi hwechanza pamusoro. Uku ndiko kukwirira kwearitari: Kubva pachigadziko chapasi kusvikira pamupanda wenyasi yakakwirira namakubhiti maviri uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kubva pamupanda muduku kusvikira pamupanda mukuru yakakwirira namakubhiti mana uye kubhiti rimwe chete paupamhi. Choto chearitari chakakwirira namakubhiti mana, uye nyanga ina dzakatarisa kumusoro kubva pachoto. Choto chearitari chine mativi akaenzana, makubhiti gumi namaviri paurefu uye makubhiti gumi namaviri paupamhi. Mupanda wokumusoro naiwowo una mativi akaenzana, wakareba makubhiti gumi namana uye makubhiti gumi namana paupamhi, nomuromo une hafu yekubhiti nechigadziko chekubhiti rimwe chete pakutenderera kwaro. Zvitsiko zvearitari zvakatarisa kumabvazuva.”