Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 43:1-17

Ezekieri 43:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo murume uya akandiuyisa kusuo rakatarisa kumabvazuva, uye ndakaona kubwinya kwaMwari waIsraeri kuchibva kumabvazuva. Inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji, uye pasi pakapenya nokubwinya kwake. Chiratidzo chandakaona chakanga chakaita sechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta uye nechiratidzo chandakaona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu. Kubwinya kwaJehovha kwakapinda mutemberi napasuo rakanangana nokumabvazuva. Ipapo mweya wakandisimudza ukandiisa muruvazhe rwomukati, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi. Murume uya achakamira pandiri, ndakanzwa mumwe achiti kwandiri ari mukati metemberi. Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choushe nenzvimbo yechitsiko chetsoka dzangu. Ndipo pandichagara ndiri pakati pavaIsraeri nokusingaperi. Imba yaIsraeri haichazosvibisizve zita rangu dzvene kunyange ivo kana madzimambo avo, noufeve hwavo uye zvifananidzo zvamadzimambo avo, zvisina upenyu panzvimbo dzavo dzakakwirira. Pavakaisa chikumbaridzo mujinga mechikumbaridzo changu namagwatidziro pajinga pegwatidziro rangu pachingova norusvingo pakati pangu naivo, vakasvibisa zita rangu dzvene nezvinonyangadza zvavakaita. Saka ndakavaparadza mukutsamwa kwangu. Zvino ngavarashire ufeve hwavo kure nezvifananidzo zvavo zvisina upenyu zvamadzimambo avo, ipapo ndichagara pakati pavo nokusingaperi. “Mwanakomana womunhu, rondedzera nezvetemberi kuvanhu veIsraeri, kuti vanyare pamusoro pezvivi zvavo. Ngavarangarire urongwa hwayo, uye kana vachinyara pamusoro pezvavakaita zvose, uvazivise magadzirirwo etemberi, nourongwa hwayo, panobudiwa napo napanopindwa napo, mamiriro ayo ose nemitemo yayo yose uye mirayiro yayo. Unyore izvi pamberi pavo kuti vagova vakatendeka kumagadzirirwo ayo vagotevera mitemo yayo yose. “Uyu ndiwo murayiro wetemberi: Nzvimbo dzose dzakapoteredza dziri pamusoro pegomo dzichava tsvene-tsvene. Ndiwo murayiro wetemberi iwoyu. “Izvi ndizvo zviyero zvearitari mumakubhiti marefu, kubhiti riri kubhiti noupamhi hwechanza: Chigadziko chayo chakadzika kubhiti rimwe chete nekubhiti rimwe chete paupamhi, nomuromo uno upamhi hwechanza pamusoro. Uku ndiko kukwirira kwearitari: Kubva pachigadziko chapasi kusvikira pamupanda wenyasi yakakwirira namakubhiti maviri uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye kubva pamupanda muduku kusvikira pamupanda mukuru yakakwirira namakubhiti mana uye kubhiti rimwe chete paupamhi. Choto chearitari chakakwirira namakubhiti mana, uye nyanga ina dzakatarisa kumusoro kubva pachoto. Choto chearitari chine mativi akaenzana, makubhiti gumi namaviri paurefu uye makubhiti gumi namaviri paupamhi. Mupanda wokumusoro naiwowo una mativi akaenzana, wakareba makubhiti gumi namana uye makubhiti gumi namana paupamhi, nomuromo une hafu yekubhiti nechigadziko chekubhiti rimwe chete pakutenderera kwaro. Zvitsiko zvearitari zvakatarisa kumabvazuva.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 43

Ezekieri 43:1-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Pashure akandiisa kusuo, iro suo rakatarira kurutivi rwamabvazuva. Zvinotarira, kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakabva kurutivi rwamabvazuva; izwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji; pasi pakapenya nokubwinya kwake. Zvakanga zvakafanana nezvandakaona, izvo zvandakaona nguva yandakauya kuzoparadza guta; zvandakaona zvino zvakanga zvakafanana nezvandakaona parwizi rwaKebhari; ini ndikawira pasi nechiso changu. Kubwinya kwaJehovha kukapinda mumba nenzira yesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva. Mweya ukandisimudza, ukandiisa muruvanze rwomukati; zvino tarira, kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba. Zvino ndikanzwa mumwe achitaura neni ari mumba; mumwe murume akamira neni. Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu chohushe, nenzvimbo inotsika tsoka dzangu, pandichagara pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi. Imba yaIsiraeri haingazosvibisi zita rangu dzvene, kunyange ivo, kunyange madzimambo avo, nokupfeva kwavo uye nezvitunha zvamadzimambo avo panzvimbo dzavo dzakakwirira; nokuisa chikumbaridzo chavo pachikumbaridzo changu, nembiru dzemikova yavo parutivi rwembiru dzemikova yangu, kukangova nechidziro pakati pangu naivo; vakasvibisa zita rangu nezvinonyangadza zvavo zvavakaita; naizvozvo ndakavapedza nokutsamwa kwangu. “Zvino ngavarashe kupfeva kwavo, nezvitunha zvamadzimambo avo, zvive kure neni, ndigogara pakati pavo nokusingaperi.” “Zvino iwe, Mwanakomana womunhu, ratidza imba yaIsiraeri imba ino, kuti vanyare pamusoro pezvakaipa zvavo; ngavayere maitirwo ayo. Zvino kana vachinyara pamusoro pezvose zvavakaita, uvazivise chimiro cheimba, nokurongerwa kwayo, napanobudiwa napo, napanopindwa napo, nezvimiro zvayo zvose, nemitemo yayo yose, nezvimiro zvayo zvose, nemirayiro yayo yose; uzvinyore vachizviona, kuti vachengete chimiro chayo chose, nemitemo yayo yose, vazviite. “Uyu ndiwo murayiro weimba: Pamusoro pegomo kumuganho waro wose kumativi ose pachava patsvene kwazvo. Tarirai, ndiwo murayiro weimba.” Uhwu ndihwo ukuru hwearitari zvichiyerwa namamita mita ndiro mita rimwe noupamhi hwechanza: Chigadziko chinofanira kuita mita rimwe, noupamhi mita rimwe; chitenderedzo chayo panhivi dzayo chinofanira kuita upamhi hwechanza; ndipo pasi pearitari. Kubva pachigadziko pasi kusvikira pamusara wapanyasi zvinofanira kuita mamita maviri, noupamhi mita rimwe; kubva pamusara muduku kusvikira pamusara mukuru zvinofanira kuita mamita mana, nohupamhi mita rimwe. Aritari yokumusoro inofanira kuita mamita mana; kubva pachoto chearitari zvichienda kumusoro kunofanira kuva nenyanga ina. Choto chearitari chinofanira kuita mamita ane gumi namaviri pakureba, naane gumi namaviri paupamhi, mativi aro mana akaenzana. Musara unofanira kuita mamita ane gumi namana pakureba, uye ane gumi namana paupamhi kumativi aro mana; chitenderedzo chinopoteredza chinofanira kuita hafu yemita; chigadziko chayo chinofanira kuita mita rimwe kumativi ose; zvikwiriso zvayo zvinofanira kutarira kurutivi rwamabvazuva.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 43

Ezekieri 43:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Mushure maizvozvo akaenda neni kuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva onei kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kuchibva kumabvazuva uye kutinhira kwokuuya kwake kwainge kuwunga kwamafashamo emvura uyewo nyika yakabva yati ngwe-e kuchena nembiri yake. Zvino chiratidzo chandakaona chakanga chakafanana nechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta, chakaitawo sechiratidzo chandakamboona ndiri pedyo nerwizi rweKebhari. Ndakawira pasi nouso. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi pakwakapinda muTemberi nokuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva, Mweya akandisumudza akaenda neni kunhandare yomukati, ndiye onei kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza Temberi. Murume uya paakanga amire neni kudaro ndakanzwa mumwe aitaura kwandiri ari muTemberi. Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu, ino iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choumambo nechitambarariko chetsoka dzangu. Ndimo mandichagara pakati pavanhu veIsiraeri nokusingaperi. Imba yaIsiraeri haichazombofa yakan'oresa zita rangu rinoera, ivo kana madzimambo avo nounzenza hwavo kana nezvitunha zvamadzimambo avo. Vanoita izvi nokuisa misuo yavo pamusuo pangu namagwatidziro avo akatarisana namagwatidziro angu, nechidziro chiricho choga chatakaganhurana, ivo neni. Vakan'oresa zita rangu rinoera zvinosemesa zvavo zvavakaita, ndokusaka ndakavaroromesa nehasha dzangu. Zvino ngavakande pasi kunamata kwavo zvifananidzo ikoku, uye zvitunha zvamadzimambo vakande kure neni, iniwo ndichagara pakati pavo nokusingaperi. “Zvino iwe mwanakomana womunhu tsanangurira imba yaIsiraeri nezveTemberi nokutarisika kwayo namamiriro ayo kuitira kuti vanyare uipi hwavo. Kana vakazonyara pana zvose zvavakaita, vatsanangurire nezveTemberi, mamiriro ayo, paibudwa napo nepaipindwa napo nokutarisika kwayo kwose. Uvazivisewo mitemo yayo yose nemirao yayo yose uinyore vachiona nameso avo kuitira kuti vachengete nokuita zvose zvinorehwa nemitemo yayo yose pamwechete nemirao yayo yose. Uno uyu ndomutemo weTemberi unoti: Nharaunda yose yapamusoro pegomo chaipo inzvimbo inofanira kuereswa kwazvo. Iwoyo ndomutemo weTemberi.” Uku ndokupimwa kwakaitwa atari ichierwa namamita, (mita racho iroro rimwechete richiita zana ramasendimita rina masendimita mana). Pasi payo pakaita masendimita makumi mashanu namaviri kureba kuenda mudenga, ichiitawo masendimita makumi mashanu namaviri kufara, iine bhande rinoita makumi maviri amasendimita ana masendimita mashanu kureba kuitenderera. Uhu ndohurefu hweatari iyoyo kukwira mudenga, kubvira pasi payo pavhu apa kusvika pachimbimbi chapazasi pakaita mita rimwechete, paine upamhi hunoita hafu yemita, kubvirawo pachimbimbi chidiki kusvikira pachimbimbi chikuru chacho pachiita mamita maviri chiine upamhi hunosvika chikamu chehafu yemita. Kouya choto cheatari iyoyo chaiita mamita maviri uye kubvirawo pachoto chapaatari ichocho paine zvinenge nyanga zvina zvinoita chikamu chehafu yemita kureba kuenda mudenga. Choto cheatari iyoyo chakanga chino mativi mana akaenzana, urefu hwacho hwaiita mamita matanhatu upamhi hwacho huri mamita matanhatuwo. Chimbimbi chawo chakanga china mativi mana akaenzana, urefu hwacho huri mamita manomwe, upamhi hwachowo huri mamita manomwe chiine bhandi rakachitenderera rinoita masendimita makumi maviri namashanu. Pasiwo pacho pakaita hafu yemita kupatenderera. Matanho apaatari akanga akatarisa kumabvazuva.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 43

Ezekieri 43:1-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Pashure wakandiisa kusuʋo, iro suʋo rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa. Ɀino tarira, kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakabva kurutiʋi rwamabvazuʋa; inzwi rake rakaŋga rakaita somubvumo wemvura zhinji; pasi pakapenya nokubginya kwake. Ɀakaŋga ɀakafanana neɀandakaʋona, iɀo ɀandakaʋona ŋguʋa yandakaʋuya kuzoparadza guta; ɀandakaʋona ɀino ɀakaŋga ɀakafanana neɀandakaʋona parwizi rwaKebari; ini ndikawira pasi neciso caŋgu. Kubginya kwaJehova kukapinda mumba nenzira yesuʋo rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa. Mŋeya ukandisimudza, ukandiisa muruʋazhe rwomukati; ɀino tarira, kubginya kwaJehova kwakazadza imba. Ɀino ndikanzwa mumŋe acitaura neni ari mumba; mumŋe murume akamira neni. Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, iyi ndiyo nɀimbo yecigaro caŋgu coʋushe, nenɀimbo inotsika tsoka dzaŋgu, pandicagara pakati paʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi. Imba yaIsraeri haiŋgazoȿiɓisi zita raŋgu dɀene, kunyaŋge iʋo, kunyaŋge madzimambo aʋo, nokufeʋa kwaʋo ʋuye neɀitunha ɀamadzimambo aʋo panɀimbo dzaʋo dzakakwirira; nokuisa cikumbaridzo caʋo pacikumbaridzo caŋgu, nembiru dzemikoʋa yaʋo parutiʋi rwembiru dzemikoʋa yaŋgu, kukaŋgoʋa necidziro pakati paŋgu naiʋo; ʋakaȿiɓisa zita raŋgu neɀinonyaŋgadza ɀaʋo ɀaʋakaita; naiɀoɀo ndakaʋapedza nokutsamŋa kwaŋgu. Ɀino ŋgaʋarashe kufeʋa kwaʋo, neɀitunha ɀamadzimambo aʋo, ɀiʋe kure neni, ndigogara pakati paʋo nokusiŋgaperi. Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, ratidza imba yaIsraeri imba ino, kuti ʋanyare pamsoro peɀakaipa ɀaʋo; ŋgaʋayere maitirwe ayo. Ɀino kana ʋacinyara pamsoro peɀose ɀaʋakaita, uʋaziʋise cimiro ceimba, nokuroŋgerwa kwayo, napanoɓuɗiwa napo, napanopindwa napo, neɀimiro ɀayo ɀose, nemitemo yayo yose, neɀimiro ɀayo ɀose, nemirairo yayo yose; uɀinyore ʋaciɀiʋona, kuti ʋaceŋgete cimiro cayo cose, nemitemo yayo yose, ʋaɀiite. Uwu ndiwo murairo weimba: Pamsoro pegomo kumuganho waro wose kumatiʋi ose pacaʋa patȿene kwaɀo. Tarirai, ndiwo murairo weimba. Ubgu ndibgo ʋukuru bgeartari ɀiciyerwa namakubiti (kubiti ndiro kubiti rimŋe noʋupamhi bgecanza): Cigadziko cinofanira kuita kubiti rimŋe, noʋupamhi kubiti rimŋe; citenderedzo cayo panhiʋi dzayo cinofanira kuita ʋupamhi bgecanza; ndi’po pasi peartari. Kubva pacigadziko pasi kuȿikira pamusara wapanyasi ɀinofanira kuita makubiti maʋiri, noʋupamhi kubiti rimŋe; kubva pamusara muɗuku kuȿikira pamusara mukuru ɀinofanira kuita makubiti manna, noʋupamhi kubiti rimŋe. Artari yokumsoro inofanira kuita makubiti manna; kubva pacoto ceartari ɀicienda kumsoro kunofanira kuʋa nenyaŋga inna. Coto ceartari cinofanira kuita makubiti anegumi namaʋiri pakureɓa, naanegumi namaʋiri paʋupamhi, matiʋi aro manna akaenzana. Musara unofanira kuita makubiti anegumi namanna pakureɓa, ʋuye anegumi namanna paʋupamhi kumatiʋi aro manna; citenderedzo cinopoteredza cinofanira kuita hafu yekubiti; cigadziko cayo cinofanira kuita kubiti rimŋe kumatiʋi ose; ɀikwiriso ɀayo ɀinofanira kutarira kurutiʋi rwamabvazuʋa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ezekieri 43

Ezekieri 43:1-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)