Ekisodho 14:10-14
Ekisodho 14:10-14 BDSC
Faro paakanga osvika, vaIsraeri vakasimudza meso avo, uye vakaona vaIjipita vachifamba vachivatevera. Vakavhunduka uye vakachema kuna Jehovha. Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti? Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here’? Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!” Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona kusunungura kwaJehovha kwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve. Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.”

