Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 14:10-14 - Compare All Versions

Ekisodho 14:10-14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Faro paakanga osvika, vaIsraeri vakasimudza meso avo, uye vakaona vaIjipita vachifamba vachivatevera. Vakavhunduka uye vakachema kuna Jehovha. Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti? Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here’? Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!” Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona kusunungura kwaJehovha kwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve. Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 14 BDSC

Ekisodho 14:10-14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Farao akati asvika pedyo, vana vaIsiraeri vakasimudza meso avo, vakaona vaIjipiti vachivateverera, vakatya kwazvo; vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha. Vakati kuna Mosesi, “Makanga muchiti hamuna mahwiro paIjipiti, mukatibvisako kuti tifire murenje here? Makatiitireiko zvamatibudisa paIjipiti? Ko harizi shoko iro ratakakuudzai paIjipiti here, tichiti, ‘Tiregei, tibatire hedu vaIjipiti? Nokuti zviri nani kuti tibatire vaIjipiti, pakuti tifire murenje.’ ” Zvino Mosesi akati kuvanhu, “Musatya henyu, mirai, mugoona sununguro yaJehovha, yaachakuitirai nhasi, nokuti vaIjipiti vamaona nhasi, hamungazovaonizve nokusingaperi. Jehovha achakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 14 SNA2002

Ekisodho 14:10-14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Farao wakati aȿika pedyo, ʋana ʋaIsraeri ʋakasimudza meso aʋo, ʋakaʋona ʋaEgipita ʋaciʋateʋerera, ʋakatya kwaɀo; ʋana ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova. Ʋakati kunaMosesi: Makaŋga muciti hamunamabgiro paEgipita, mukatibvisa’ko kuti tifire murenje here? Makatiitireiko ɀamatiɓuɗisa paEgipita? Ko harizi shoko iro ratakakuʋudzai paEgipita here, ticiti: Tiregei, tiɓatire heɗu ʋaEgipita? Nokuti ɀiri nani kuti tiɓatire ʋaEgipita, pakuti tifire murenje. Ɀino Mosesi akati kuʋanhu: Musatya henyu, mirai, mugoʋona sunuŋguro yaJehova, yaacakuitirai nhasi, nokuti ʋaEgipita ʋamaʋona nhasi, hamuŋgazoʋaʋoni ɀe nokusiŋgaperi. Jehova ucakurwirai, imi munofanira kunyarara henyu.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 14 SUB1949

Ekisodho 14:10-14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Farao paakanga oswedera pedyo navo, vaIsiraeri vakacheuka, onei vaIjipiti vakarongana vachivatevera, vakatya kwazvo vakachema kuna Tenzi. Vakati kuna Mosesi, “Ko iko kuIjipiti kwakanga kusina makuva here zvawakatitora ikoko kuti tifire murenje muno? Iyewe ndiwe wakatiburitsa muIjipiti, zvino chawakatiitira chii ipapa? Handiti ndizvozvi here zvatakakuudza tichiri muIjipiti kuti siyana nesu, utirege tishandire vaIjipiti. Zvaitova nani kuti tishandire vaIjipiti pano kufira murenje.” Asi Mosesi akati kuvanhu, “Musatye zvenyu, batai mwoyo. Nhasi uno muchaona kununurwa kwamuchaitwa naTenzi. Ivava vaIjipiti vamuri kuona nhasi, hamuchazovaonizve. Tenzi ndiye achakurwirai, chenyu imi chete kubata hana.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 14 SCLB

Ekisodho 14:10-14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Farao paakanga oswedera pedyo navo, vaIsiraeri vakacheuka, onei vaIjipiti vakarongana vachivatevera, vakatya kwazvo vakachema kuna Tenzi. Vakati kuna Mosesi, “Ko iko kuIjipiti kwakanga kusina makuva here zvawakatitora ikoko kuti tifire murenje muno? Iyewe ndiwe wakatiburitsa muIjipiti, zvino chawakatiitira chii ipapa? Handiti ndizvozvi here zvatakakuudza tichiri muIjipiti kuti siyana nesu, utirege tishandire vaIjipiti. Zvaitova nani kuti tishandire vaIjipiti pano kufira murenje.” Asi Mosesi akati kuvanhu, “Musatye zvenyu, batai mwoyo. Nhasi uno muchaona kununurwa kwamuchaitwa naTenzi. Ivava vaIjipiti vamuri kuona nhasi, hamuchazovaonizve. Tenzi ndiye achakurwirai, chenyu imi chete kubata hana.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 14 SCLBD