Dhuteronomi 32:9-12
Dhuteronomi 32:9-12 BDSC
Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake, Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa. Akamuwana munyika yomurenje, musina chinhu, munotyisa. Akamudzivirira uye akamuchengeta; akamuchengetedza semboni yeziso rake, segondo rinogadziridza dendere raro nokuengerera pamusoro pavana varo, rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe, rovabereka pamapapiro aro. Jehovha oga ndiye akamutungamirira; kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye.

