Dhuteronomi 32:9-12
Dhuteronomi 32:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake, Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa. Akamuwana munyika yomurenje, musina chinhu, munotyisa. Akamudzivirira uye akamuchengeta; akamuchengetedza semboni yeziso rake, segondo rinogadziridza dendere raro nokuengerera pamusoro pavana varo, rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe, rovabereka pamapapiro aro. Jehovha oga ndiye akamutungamirira; kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye.
Dhuteronomi 32:9-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake; Jakobho ndiyo nhaka yake yakayerwa. Wakamuwana munyika yesango, Murenje risina chinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuchengeta semboni yeziso rake; Segondo rinomutsa vana varo, Richiengerera pamusoro pavana varo, Richitambanudza mapapiro aro, richivagamuchira, Richivabereka pamapapiro aro; Saizvozvo Jehovha, iye oga, wakamutungamirira, Kwakanga kusina mwari wokumwe kwaari.
Dhuteronomi 32:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi iye Tenzi mugove waakazvisarudzira vanhu vake, Jakobho sorudzi, ndiye nhaka yake. Akamuwana munyika yegwenga, ari murenje riya rinongova maungira oga; Akavaunganidza, akavariritira, achivachengeta sezai regondo. Segondo rinogaririra manyana aro, richibhururuka zvaro nechepamusoro pedendere, richitambanudza mapapiro aro, nokutakura manyana aro, Tenzi pachake akamutungamirira, pasina vamwe vamwari.
Dhuteronomi 32:9-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti mugoʋe waJehova ndiʋo ʋanhu ʋake; Jakobo ndiyo nhaka yake yakayerwa. Wakamuwana munyika yesaŋgo, Murenje risinecinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuceŋgeta semboni yeziso rake; Segondo rinomutsa ʋana ʋaro, Ricieŋgerera pamsoro paʋana ʋaro, Ricitambanudza mapapiro aro, riciʋagamucira, Riciʋaɓereka pamapapiro aro; Saiɀoɀo Jehova, iye oga, wakamutuŋgamirira, Kwakaŋga kusinamŋari wokumŋe kwaari.
Dhuteronomi 32:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)