Nziyo 68:1-10
Nziyo 68:1-10 SCLB
Mwari ngaasimuke vavengi vake vaparadzwe. Vanomuvenga ngavatize pamberi pake. Sokuvhuvhutwa kunoitwa utsi, vatinheiwo. Sokunyongodeka kunoita namo pamoto; vakaipa ngavapararewo pamberi paMwari. Asi vakarurama ngavafare pamberi penyu; vapembere kwazvo nokufara pamberi paMwari. Ngavafarisise kwazvo norufaro. Imbirai Mwari, muimbirei muchirumbidza zita rake. Shaurai rumbo kuna iye anofamba nomumakore, zita rake ndiYahweh, pemberai nokufara pamberi pake. Mwari, munzvimbo yake inoera, ndiBaba wenherera nomudziviriri wechirikadzi. Mwari anopa vasina chavanacho musha wokugara. Anoburitsa vasungwa achivaendesa mukugarika asi vapanduki vanogara murenje. Imi Mwari pamakatungamirira vanhu venyu, pamakafamba nomurenje, Dzepfunde nyika yakandengendeka, matenga akadurura mvura nokuvapo kwenyu Mwari. Iro gomo reSinai rakandengendeka nokuvapo kwaMwari, Mwari weIsiraeri. Mwari makanaisa mvura yakawanda, makararamisa nhaka yenyu yakanga yavakuparara. Vanhu venyu vakaita musha mairi Mwari nokuda kokunaka kwenyu munowanisa varombo chokuvararamisa nacho.

