Mapisarema 68:1-10
Mapisarema 68:1-10 SNA2002
Mwari ngaasimuke, vavengi vake ngavaparadzirwe; Vanomuvenga ngavatize pamberi pake. Muvadzinge, sokudzingwa kwoutsi; Sokunyauka kwenamo pamoto, Saizvozvo vakaipa ngavapere pamberi paMwari. Asi vakarurama ngavafare; ngavafare kwazvo pamberi paMwari; Ngavafare nokufara kukuru. Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; Mumugadzirire mugwagwa wakanaka, iye anofamba nengoro napamarenje; Zita rake ndiJehovha; farai kwazvo pamberi pake. Baba venherera, nomutongi wemhosva dzechirikadzi, Ndiye Mwari paugaro hwake hutsvene. Vakanga vari voga, Mwari anovagarisa pamhuri; Anobudisira vasungwa kumufaro; Asi vanomumukira vanogara panyika yakaoma. Mwari, panguva yamakatungamirira vanhu venyu, Panguva yokufamba kwenyu murenje; Pasi pakabvunda, Kudenga-denga kwakadonha pamberi paMwari; Nairo Sinai rakabvunda pamberi paMwari, iye Mwari waIsiraeri. Imi Mwari makanisa mvura zhinji, Makasimbisa nhaka yenyu panguva yokuneta kwayo. Ungano yenyu yakagaramo; Imi Mwari makagadzirira varombo zvakanaka zvenyu.

