Ndinzwireiwo tsitsi Mwari, ndinzwireiwo tsitsi nokuti ndinopotera kwamuri. Ndinovanda nomumvuri wamapapiro enyu kusvikira dutu rokuparadza rapfuura. Ndinochema kwamuri, Mwari wokumusorosoro, kuna Mwari Mupedzanhamo wangu. Achandinunura ari kudenga ikoko; achanyadzisa vanonditsikatsika. Dzepfunde Mwari achandiitira mwoyochena uye achave akatendeka kwandiri. Ndirere pakati peshumba dzavanhu dzinongandukira vanhu somoto. Mazino avo mapfumo nemiseve chaiyo ndimi dzavo mapakatwa zvawo kupinza. Dai mangokudzwa zvenyu imi Mwari kumusoro kumatenga mbiri yenyu itekeshere pasi pose. Vakanditeya makumbo namambure, ndadzungaira ini. Vakachera gomba munzira mangu; asi vakawira mariri ivo pachavo. Dzepfunde Mwoyo wangu wakagadzikana, Mwari, mwoyo wakagadzikana; ndichaimba ndichirumbidza. Muka iwe mweya wangu, mukai imi dimbwa nechipendani ndimutse mambakwedza. Ndichakutendai TENZI pakati pavanhu vamarudzi. Ndichaimba ndichikurumbidzai pakati pendudzi dzavanhu nokuti mwoyochena wenyu mukuru kusvika kumatenga uye kutendeka kwenyu kunosvika kumakore. Dai mangokudzwa zvenyu Mwari kumusoro kumatenga mbiri yenyu itekeshere pasi pose.
Verenga chikamu Nziyo 57
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 57:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo