Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 51:11-19

Nziyo 51:11-19 SCLB

Musandidzinge pamuri uye musabvise Mweya wenyu mutsvene mandiri. Ndidzorerewo rufaro rworuponeso rwenyu mundichengetedze ndiine mwoyo wokuteerera. Ndingatozodzidziswa nzira dzenyu vanhu vanokanganisa, vatadzi vachitozodzokerawo kwamuri. Ndinunureiwo Mwari kumhosva yokuparadza ropa, imi Mwari mununuri wangu rurimi rwangu ruchapururudzira kununura kwenyu. TENZI zarurai miromo yangu muromo wangu uparidze mbiri yenyu. Nokuti hachisi chibayiro chamunofarira imi, kunyange zvazvo ndaipira mupiro wokupisa hamaimbofadzwa nawo, chibayiro changu kunemi Mwari, mwoyo wakatyoka-tyoka mwoyo wakatyoka uye wakatendeuka hamushore, Mwari. Itirai Zioni zvakanaka sokuda kwenyu; vakai zvakare masvingo eJerusaremu. Ipapo muchafadzwa nezvibayiro zvakarurama zvibayiro zvokupisa uye zvibayiro zvokupisa mutumbi wose. Ipapo handira dzichapirwa paatari yenyu.

Verenga chikamu Nziyo 51