Nehemiya 4:15-23
Nehemiya 4:15-23 SCLB
Vavengi vedu pavakanzwa kuti bangano racho takange tariziva uye kuti Mwari akanga arikangaidza, takadzokera tose kurusvingo munhu wose pabasa rake. Kubvira musi iwoyo chimwe chikamu chavashandi vokwangu vechirume ndovakange vava vokuita basa rokuvaka chimwewo chikamu chavo vava vokunge vakabipitira mapfumo nenhoo nouta namademautare zvokuzvidzivirira nazvo muhondo. Vatungamiriri vakatsigira vose vemba yokwaJudha vainge vachivaka parusvingo. Vaye vebasa rokutakura zvinhu vainge vakati uku ruoko rumwe ruri pabasa rokuvaka uku rumwe rwakabata chombo chokurwa. Muvaki wose ainge aine bakatwa rake mumuhara muchiuno. Achivaka wokuridza hwamanda aingewo ari parutivi pangu. Ndakataurira vokuimbahuru namakurukota navamwewo vanhu vose kuti, “Basa iguru iri uye takatarangana kwazvo tiri kure nakure parusvingo pacho apa takati uyu uko uyu uko. Kwamunenge manzwa kuti ndokuri kurira hwamanda imi unganai ikoko kwatinenge tiri. Mwari wedu achatirwira.” Saizvozvo takaita basa chimwe chikamu chavo chaiswera chakabipitira mapfumo kubvira mambakwedza kudzamara nyenyedzi dzabuda. Panguva iyoyo ndakataurirawo vanhu kuti, “Munhu ngaarare mukati meJerusaremu nomushandiwo wake kuitira kuti usiku huve hwokuchengetedza, masikati ave okushanda.” Sokudaro ini nehama dzangu navashandi vangu navarume vokundichengetedza vaya vainditevera hapana akabvisa hanzu dzake munhu wese aigara akabatira muruoko zvombo zvokurwa nazvo.

