Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nehemiya 4:15-23

Nehemiya 4:15-23 SNA2002

Zvino vavengi vedu vakati vanzwa kuti zvazikanwa nesu, uye kuti Mwari akakonesa kurangana kwavo, isu tikadzokera tose kurusvingo, mumwe nomumwe kubasa rake. Zvino kubva panguva iyo hafu yavaranda vangu vakabata pabasa, asi hafu yavo vakabata mapfumo, nenhoo, nouta, nenguo dzamatare; uye varairi vakanga vari shure kwavose veimba yaJudha. Vaivaka rusvingo, navaitakura mitoro, vaitutira; mumwe nomumwe wakabata noruoko rwake rumwe pabasa, asi norumwe akanga akabata nhumbi yake yokurwa nayo; uye vavaki mumwe nomumwe akanga anomunondo wake akasungirwa pachiuno chake; vakavaka saizvozvo. Muridzi wehwamanda wakamira neni. Ndikati kuvakuru nokuvabati nokuna vamwe vanhu: “Mubato mukuru wakapararira, isu takatarangana pamusoro porusvingo, mumwe ari kure nomumwe; papi napapi pamunonzwa kurira kwehwamanda, uyai ikoko kwatiri; Mwari wedu achatirwira.” Tikabata pabasa saizvozvo; hafu yavo vaibata kubva mangwanani kusvikira nyeredzi dzichibuda. Nenguva iyo ndikati kuvanhu, “Mumwe nomumwe anomuranda wake ngaavate muJerusaremu, kuti vatirinde usiku, vabate masikati.” Naizvozvo ini kunyange hama dzangu, kana varanda vangu, kana varindi vainditevera, hakuna nomumwe wedu akabvisa nguo dzake, mumwe nomumwe wakandonwa mvura nenhumbi dzake dzokurwa nadzo.

Verenga chikamu Nehemiya 4