Mariko 5:37-42
Mariko 5:37-42 SCLB
Haana kubvumira vamwe vose kumutevera kusiya Pita, naJemusi, naJohani munun'una waJemusi. Zvino pavakasvika kumba kwomutungamiri wesinagogu, akawana paine mhere mhere kwazvo yokuchema nokuungudza kukuru. Paakapinda akati kwavari, “Seiko muchiita mhere mhere muchichema kudai? Mwana haana kufa kwete, asi akakotsira.” Ivo vakamuseka. Zvino akaburitsa vose panze, akatora baba vomwana naamai vake navaya vaaiva navo, ndokupinda maiva nomwana. Akamubata ruoko ndokuti kwaari, “Tarita kumi,” zvinoreva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri muka.” Pakarepo musikana uya akasimuka, ndokufamba (sezvo akanga ava namakore gumi namaviri). Vanhu vose vakabva vashamiswa zvikuru kwazvo.

