Mako 5:37-42
Mako 5:37-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani mununʼuna waJakobho. Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru. Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka. Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana. Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”) Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru.
Mako 5:37-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akasatendera munhu kumutevera, asi Petirosi, naJakobho, naJohani munun'una waJakobho. Vakasvika mumba momukuru wesinagoge; akawana iri mhere-mhere, navanochema zvikuru, navanorira. Akapinda, akati kwavari, “Munoitireiko mhere-mhere, muchichema? Mwana haana kufa, asi avete.” Vakamuseka. Akavabudisa vose, akatora baba vomwana namai, navaakanga anavo, akapinda kwakanga kuno mwana. Akabata ruoko rwomwana, akati kwaari, “Tarita kumi!” Ndokuti, “Kana zvichishandurwa, Musikana, ndinoti kwauri, muka!” Pakarepo musikana akasimuka, akafamba; nokuti waiva namakore ane gumi namaviri; vakashamiswa nokushama kukuru.
Mako 5:37-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Haana kubvumira vamwe vose kumutevera kusiya Pita, naJemusi, naJohani munun'una waJemusi. Zvino pavakasvika kumba kwomutungamiri wesinagogu, akawana paine mhere mhere kwazvo yokuchema nokuungudza kukuru. Paakapinda akati kwavari, “Seiko muchiita mhere mhere muchichema kudai? Mwana haana kufa kwete, asi akakotsira.” Ivo vakamuseka. Zvino akaburitsa vose panze, akatora baba vomwana naamai vake navaya vaaiva navo, ndokupinda maiva nomwana. Akamubata ruoko ndokuti kwaari, “Tarita kumi,” zvinoreva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri muka.” Pakarepo musikana uya akasimuka, ndokufamba (sezvo akanga ava namakore gumi namaviri). Vanhu vose vakabva vashamiswa zvikuru kwazvo.
Mako 5:37-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akasatendera munhu kumuteʋera, asi Petro, naJakobo, naJohane munuŋuna waJakobo. Ʋakaȿika mumba momukuru wesinagoge; akawana iri mhere‐mhere, naʋanocema ɀikuru, naʋanorira. Akapinda, akati kwaʋari: Munoitireiko mhere‐mhere, mucicema? Mŋana haana‐kufa, asi uʋete. Ʋakamuseka. Akaʋaɓuɗisa ʋose, akatora ɓaɓa ʋomŋana namai, naʋaakaŋga anaʋo, akapinda kwakaŋga kunomŋana. Akaɓata ruʋoko rwomŋana, akati kwaari: Tarita kumi! ndokuti, kana ɀicishandurwa, Musikana, ndinoti kwauri: Muka! Pakarepo musikana akasimuka, akafamba; nokuti waiʋa namakore anegumi namaʋiri; ʋakashamiswa nokushama kukuru.
Mako 5:37-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)