Jesu, paakaona gungano guru ravanhu vakanga vamuunganira akati, ngatiyambukei mhiri. Imwe nyanzvi yomutemo yakauya ikati kwaari, “Mudzidzisi ini ndinoda kukuteverai kose zvako kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana maguru, shiri dzedenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana pokutsamira musoro wake.” Mumwewo akanga ari mudzidzi wake, akati kwaari, “Tenzi regai nditange ndambondoviga baba vangu.” Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.”
Verenga chikamu Mateu 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 8:18-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo