Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 8:18-22

Mateu 8:18-22 SNA2002

Jesu, akati achiona vanhu vazhinji vakamukomba, akaraira kuti vayambukire mhiri. Zvino mumwe munyori akauya akati kwaari, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.” Jesu akati kwaari, “Makava ana mawena, neshiri dzokudenga dzina matendere; asi Mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake.” Mumwe wavadzidzi akati kwaari, “Ishe, nditenderei henyu, ndimbondoviga baba vangu.” Asi Jesu wakati kwaari, “Nditevere; rega vakafa vavige vakafa vavo.”

Verenga chikamu Mateu 8