Asi kana iwe wava kunamata, pinda mumba mako uzarire gonhi rako unamate kuna Baba vako vari muchivande. Ivo Baba vako vanoona zviri muchivande, vachakupa mubayiro. “Asi imi kana mava kunamata regai kuzavaza sezvinoita vechirudzi nokuti vanofunga kuti vanonzwika nokuda kokuwanda kwamazwi avo. Musafanane navo, nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoda musati mavakumbira. Nezvo namatai sezvizvi muchiti: ‘Baba vedu muri kudenga zita renyu ngariereswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva nezuva. Tiregerereiwo zvitadzo zvedu, sokuregerera kwatinoita vanotitadzira Musatirege tichipinda muchiedzo. Asi tinunureiwo kune zvakaipa.’ Nokuti umambo ndowenyu, nesimba nembiri, narini narini. Ameni. “Kana mukaregerera vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyu vokudenga vanokuregereraiwo zvikanganiso zvenyu. Kana musingaregereri vanhu zvikanganiso zvavo, Baba venyuwo havakuregererei zvikanganiso zvenyu. “Kana motsanya musasuruvarise uso sezvinoita vanyengedzi nokuti vanounyanisa kumeso kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Chokwadi chaizvo ndinoti kwamuri vatogamuchira mubayiro wavo. “Asi kana imi motsanya, zorai musoro mafuta, mushambe uso hwenyu; kuti kutsanya kwenyu kurege kuonekwa navanhu; asi kuti kuonekwe naBaba venyu vari muchivande. Ivo Baba venyu vanoona muchivande vachakupai mubayiro.
Verenga chikamu Mateu 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 6:6-18
21 Days
Start your new year with a focus on the spiritual discipline of fasting. This plan includes several passages about fasting and others that encourage reflection and closeness to God. For 21 days, you'll get a daily Bible reading, a brief devotional, reflection questions, and a prayer focus. For more content, check out www.finds.life.church.
Learn how best to pray, both from the prayers of the faithful and from the words of Jesus Himself. Find encouragement to keep taking your requests to God every day, with persistence and patience. Explore examples of empty, self righteous prayers, balanced against the pure prayers of those with clean hearts. Pray constantly.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo