“Asi iwe, kana uchinyengetera, pinda mumba mako, kana wazarira mukova wako, unyengetere kunaBaba vako vari pakavanda; zvino Baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro. “Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji. Naizvozvo musafanana navo; nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa, musati makumbira kwavari. Zvino imi nyengeterai kudai: ‘Baba vedu muri kudenga, zita renyu ngarikudzwe. Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe pasi sokudenga. Mutipei nhasi zvokudya zvedu zvinotiringana. Mutiregererei mhosva dzedu sezvatinoregererawo vane mhosva nesu. Musatirege tichiedzwa, asi mutinunurei pane zvakaipa. (Nokuti ushe ndohwenyu, nesimba nokubwinya, nokusingaperi. Ameni)’ Nokuti kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo Asi kana musingaregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu havangakuregerereiwo kutadza kwenyu. “Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira, savanyengeri; nokuti vanoipisa zviso zvavo, vaonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Vapiwa mubayiro wavo.’ Asi iwe, kana uchizvinyima zvokudya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako; kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi kuonekwa naBaba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro.
Verenga chikamu Mateu 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 6:6-18
21 Days
Start your new year with a focus on the spiritual discipline of fasting. This plan includes several passages about fasting and others that encourage reflection and closeness to God. For 21 days, you'll get a daily Bible reading, a brief devotional, reflection questions, and a prayer focus. For more content, check out www.finds.life.church.
Learn how best to pray, both from the prayers of the faithful and from the words of Jesus Himself. Find encouragement to keep taking your requests to God every day, with persistence and patience. Explore examples of empty, self righteous prayers, balanced against the pure prayers of those with clean hearts. Pray constantly.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo