Mushure memazuva masere, pakadzingiswa mwana, akatumidzwa zita rokuti Jesu, ndiro zita riya raakapiwa nomutumwa, amai vake vasati vava napamuviri pake. Kuzoti nguva yokuchenurwa kwavo yakwana, vakakwira nomwana kuJerusaremu kundomusuma kuna Tenzi sezvaidikanwa nomutemo waMosesi. Sezvazvakanyorwa muMutemo waTenzi kuti, “Dangwe rose rechikomana rinotanga kubuda mudumbu raamai varo richanzi rakaturirwa Tenzi.” Vakaendawo kundopira mupiro wechibayiro chenjiva mbiri kana hangaiwa mbiri diki sokurehwa kwazvakaitwa nomutemo waTenzi. Zvino muJerusaremu maiva nomumwe murume ainzi Simeoni. Akanga ari munhu akarurama anotya Mwari, uye akanga achitarisira kunyaradzwa kweIsiraeri. Mweya Mutsvene akanga ari paari. Munhu iyeyu akanga aziviswa naMweya Mutsvene, kuti haazofi asati aona Mesia waTenzi. Afemerwa naMweya, akapinda muTemberi. Vabereki zvavakauisa mwana Jesu kuzomuitira zviya zvaigaroitwa zviri muMutemo akatora mwana akamubata mumaoko, akarumbidza Mwari achiti; “Tenzi mungachirega muranda wenyu zvino achienda norugare, sokureva kwenyu, nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, rwamakagadzirira kuti ruonekwe nendudzi dzose dzavanhu. Mwenje wokuvhenekera vechirudzi nomukurumbira wavanhu venyu vaIsiraeri.”
Verenga chikamu Ruka 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 2:21-32
5 Days
For many, the holidays are a time of great joy...but what happens when the holidays lose their sparkle and become challenging due to deep grief or loss? This special reading plan will help those going through grief to find comfort and hope for the holidays, and shares how to create a meaningful holiday season in spite of deep grief.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo