Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:21-32

Ruka 2:21-32 SNA2002

Mazuva masere akati apfuura, musi wokudzingiswa wasvika, vakatumidza zita rake Jesu, iro raakanga atumidzwa nomutumwa, asati agamuchirwa mudumbu ramai. Zvino mazuva okuzvinatsa kwavo nomurayiro waMosesi akati apera, vakaenda naye Jerusaremu, kuti vamuise pamberi paIshe; sezvazvakanyorwa pamurayiro waIshe, zvichinzi, “Mwanarume mumwe nomumwe anotanga kuzarura chizvaro, achanzi mutsvene waIshe,” uye kubayira chibayiro; sezvazvakarehwa pamurayiro waIshe, zvinoti, njiva mbiri, kana hangaiwa mbiri duku. Zvino, kwakanga kune munhu paJerusaremu, ainzi Simioni; aiva munhu akarurama aida Mwari, aitarira kunyaradzwa kwavaIsiraeri; noMweya Mutsvene wakanga anaye. Iye akanga aratidzwa noMweya Mutsvene, kuti haangaoni rufu, asati aona Kristu waIshe. Iye akauya mutemberi achifambirwa noMweya; zvino vabereki vakati vachiuya nomwana Jesu, kuti vaite naye nomutoo womurayiro, akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari, achiti, “Zvino, Tenzi, muranda wenyu ngaaende hake Norugare sezvamakareva; Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu, Rwamakagadzira pamberi pavanhu vose; Chiedza chokuvhenekera vahedheni, Nokurumbidzwa kwavanhu venyu vaIsiraeri.”

Verenga chikamu Ruka 2