Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kune rimwe guta rokwaJudha. Akapinda mumba maZakariya, akakwazisa Erizabheti. Erizabheti, paakanzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akabva akwakuka mudumbu make. Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene, ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu. Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu. Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu.
“Makakomborerwa zvenyu, nokuti makatenda kuti zvakataurwa kwamuri, zvichibva kuna Tenzi, zvichazoitika.”
Maria ndokubva atiwo;
“Ini ndinokurumbidzai, Tenzi, nemwoyo wangu wose,
mweya wanguwo unopembera norufaro
Mwari Muponesi wangu.
Nokuti akarangarira iniwo zvangu
murandanhando wake.
Chionai kuti kubvira zvino,
zvizvarwa zvose zvavanhu zvichanditi;
‘Wakakomborerwa,’
nokuti iye Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru,
zita rake rinoera.
Anonzwira tsitsi vanomutya,
kubvira kuchizvarwa nechizvarwa.
Akaita zvina masimba noruoko rwake,
akaparadza vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.
Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo zvoushe,
achisimudzira pamusoro vakazvirereka.
Vane nzara akavagutsa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi akavaendesa vasina chavanacho.
Akarangarira tsitsi dzake
akabatsira Isiraeri muranda wake.
Sokutaura kwaakamboita kumadzitateguru edu,
kuna Abhurahamu nezvizvarwa zvake, nokusingaperi.”
Maria akazogara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu, ndokuzodzokera hake kumusha kwake.
Zvino mazuva okuti Erizabheti asununguke zvaakakwana, akapona mwana mukomana. Kuzoti vavakidzani vake nehama dzake vanzwa kuti Tenzi akamuitira tsitsi dzakawanda kudai, vakafara kwazvo pamwechete naye. Nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana. Vakanga vachida kumutumidza zita rababa vake rokuti Zakariya, asi amai vake vakati, “Kwete, ngaanzi Johani.” Vanhu vakati kuna amai vake, “Hakuna mumwe wehama dzenyu anodaidzwa nezita iri.” Ipapo vakaninira baba vake vachida kuziva kuti vangade kuti anzi ani.
Iye akakumbira chinyorero, akanyora kuti, “Zita rake ndiJohani.” Vose vakashamiswa zvikuru. Pakarepo muromo Zakariya wakabva wazaruka, rurimi rwake rukabva rwasununguka, ndokubva avakutotaura achirumbidza Mwari. Pakave nokutya mukati mavavakidzani vavo, nyaya dzezvinhu izvi dzakafamba kwose kwose munyika yamakomo yeJudhea. Vose vakazvinzwa vakazvipfundira mumwoyo yavo vachiti, “Ko, mwana uyu achazova munhu akaita sei chaizvo?” Nokuti ruoko rwaTenzi rwakanga rwuri paari.
Zvino baba vake Zakariya, vakazadzwa naMweya Mutsvene vakaporofita vachiti,
“Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari wavaIsiraeri,
nokuti akashanyira vanhu vake, akavanunura;
akatimutsira Muponesi ane simba
mumba maDhavhidhi muranda wake,
sokutaura kwaakaita nemiromo
yavaporofita vake vatsvene vakare,
kuti atinunure kumhandu dzedu,
nomumaoko avose vanotivenga,
kuri kuratidza tsitsi
sokutsidza kwaakamboita kumadzitateguru edu,
nokuyeukawo Chitenderano chake chitsvene,
nechitsidzo chaakaita kuna baba vedu Abhurahamu,
chokuti kana tanunurwa mumaoko emhandu dzedu,
timushandire tisingatyi,
tichiita mabasa edu tiri vatsvene vakarurama
pamberi pake mazuva edu ose.
“Iwe mwana, uchanzi muporofita woWokumusorosoro,
nokuti uchafanoenda mberi kwaTenzi
kundomugadzirira nzira dzake,
kupa vanhu vake ruzivo rworuponeso
ruri mukuregererwa kwezvitadzo zvavo,
pamusana petsiye nyoro dzaMwari wedu,
apo tichabudirwa neZuva richibva kumusoro,
kuzovhenekera vagere murima nomumumvuri worufu,
nokutungamirira tsoka dzedu munzira yorugare.”
Mwana akazokura akasimba mumweya. Aigara murenje kusvikira zuva raakazviratidza kuvaIsiraeri.