Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea; akapinda mumba maZekariya, akakwazisa Erizabheti. Zvino Erizabheti akati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene, akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve! Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaIshe wangu? Nokuti, tarira, izwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu. Wakaropafadzwa iwe nokuti wakatenda, kuti zvakataurwa naIshe kwauri zvichaitika.” Maria akati,
“Mwoyo wangu unokudza Ishe,
Mweya wangu wakafara naMwari,
Muponesi wangu;
Zvaakaona urombo hwomushandiri wake;
Nokuti, tarira, kubva zvino
marudzi ose achanditi, ndakaropafadzwa;
Nokuti uyo anamasimba
akandiitira zvinhu zvikuru;
Zita rake idzvene.
Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi
Avanhu vanomutya.
Wakaratidza simba rake noruoko rwake;
Akaparadza vaizvikudza mundangariro
dzemwoyo yavo;
Wakabvisa madzimambo
pazvigaro zvavo zvoushe,
Akasimudza vakaninipiswa;
Vane nzara akavagutsa nezvakanaka,
Akadzosera vapfumi vasina;
Akabatsira Isiraeri, muranda wake,
Kuti arangarire ngoni dzake,
Sezvaakareva kumadzibaba edu,
Kuna Abhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi.”
Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumusha kwake.
Zvino nguva yaErizabheti yokusunguka kwake yakasvika; akabereka mwanakomana. Zvino vakavakidzana navo nehama dzavo vakati vanzwa kuti Ishe akanga amuitira ngoni huru, vakafara naye. Zvino nezuva rorusere vakauya kuzodzingisa mwana, vakada kumutumidza zita rababa vake, Zekariya.
Ipapo mai vakapindura, vakati, “Kwete, achatumidzwa Johani.” Vakati kwaari, “Hakuna munhu kuhama dzenyu akatumidzwa zita iro.” Vakabvunza baba vake, vachidudzira namaoko, kuti anzi aniko? Vakakumbira chinyorero vakanyora kuti, “Johani, ndiro zita rake.” Vakashamiswa vose. Kamwe-kamwe muromo wake ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura, akarumbidza Mwari.
Kutya kukawira vose vakanga vagere navo; namashoko iwayo ose akanzwika kunyika yose yamakomo eJudhea. Vose vakaanzwa, vakaachengeta mumwoyo mavo, vachiti, “Achazova mwana wakadiniko?” Nokuti ruoko rwaIshe rwakava naye.
Baba vake, Zekariya, vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti,
“Ishe, Mwari wavaIsiraeri, ngaakudzwe;
Nokuti aakamutsa vanhu vake, nokuvadzikinura,
Akatisimudzira runyanga rwokuponeswa
Mumba momuranda wake, Dhavhidhi;
Sezvaakataura nomuromo wavaporofita
vake vatsvene, vakanga varipo kubva
pakuvamba kwenyika,
Kutiponesa pavavengi vedu,
napamaoko avose vanotivenga;
Kunzwira madzibaba edu ngoni,
Nokurangarira sungano yake tsvene;
Kupika kwaakapika nako
kuna baba vedu Abhurahamu,
Kutipa simba isu, tasunungurwa
mumaoko avavengi vedu,
Kuti timushumire tisingatyi,
Nohutsvene nokururama pamberi
pake mazuva edu ose.
Iwe, Mwana, uchanzi muporofita woWokumusorosoro,
Nokuti iwe uchatungamira pamberi paIshe,
kumugadzirira nzira dzake;
Kuzivisa vanhu vake nzira yokuponeswa nayo,
Vachiregererwa zvivi zvavo,
Nomwoyo munyoro waMwari wedu,
Achatishanyira namambakwedza okudenga,
Kuvhenekera vagere murima
nomumumvuri worufu;
Nokuraramisa tsoka dzedu munzira yorugare.”
Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsiraeri.