Ruka 1:15-20
Ruka 1:15-20 SCLB
nokuti achava mukuru pamberi paTenzi; haachazonwi waini kana doro rinodhaka, achazadzwa naMweya Mutsvene kubvira achiri munhumbu maamai vake. Achazodzorera vazhinji vavaIsiraeri kuna Tenzi Mwari wavo. Achafamba pamberi paTenzi aina mweya nesimba raEriya kuti awadzanise madzibaba navana vavo; nokudzorera vasingateereri kuhungwaru hwavakarurama, kuti nhadzirire Tenzi vanhu vakamugadzirira.” Zakariya akati kumutumwa, “Ndingazive seiko zvinhu izvi? Ini ndakwegura uye mudzimai wangu achembera?” Mutumwa akamuti, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari, ndatumwa naTenzi kuti nditaure newe nokukuparidza shoko iri rakanaka. “Chinzwa, uchava chimumumu, usingagoni kutaura kusvikira musi wazvichaitika, nokuti hauna kutenda zvandakuudza, izvo zvichazoitika nenguva yazvo.”

