Ruka 1:15-20
Ruka 1:15-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti achava mukuru pamberi paShe. Haafaniri kutongonwa waini kana zvinonwiwa zvose zvakaviriswa, uye achazadzwa noMweya Mutsvene kunyange kubva pakuberekwa kwake. Achadzorera vanhu vazhinji vaIsraeri kuna She Mwari wavo. Uye achafamba pamberi paShe, mumweya nomusimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana vavo uye kuti vasingateereri vadzokere kuuchenjeri hwavakarurama, kuti agadzirire vanhu vakagadzirirwa kugamuchira Ishe.” Zekaria akabvunza mutumwa akati, “Ndichazviziva seiko izvi? Ini ndava murume mutana uye mukadzi wangu achembera kwazvo.” Mutumwa akapindura akati, “Ndini Gabhurieri. Ndinomira pamberi paMwari, uye ndatumwa kuti ndizotaura newe, ndizokuudza nhau dzakanaka idzi. Uye iye zvino uchava chimumumu uye uchatadza kutaura kusvikira pazuva razvichaitika, nokuti hauna kutenda mashoko angu, iwo achaitika nenguva yawo.”
Ruka 1:15-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti iye achava mukuru pamberi paIshe; haangatongonwi waini nezvinodhaka; achazadzwa noMweya Mutsvene kubva mudumbu ramai vake. Achadzorera vazhinji vavana vaIsiraeri kuna Ishe, Mwari wavo. “Achafamba pamberi pake noMweya nesimba raEria, kuti adzorere mwoyo yamadzibaba kuvana, navasingateereri kuuchenjeri hwavakarurama, agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo.” Zekariya akati kumutumwa, “Izvozvi ndichazviziva seiko? Nokuti ini ndava harahwa, nomukadzi wangu achembera.” Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. “Tarira, uchanyarara, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitwa zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achaitika nenguva yawo.”
Ruka 1:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti achava mukuru pamberi paTenzi; haachazonwi waini kana doro rinodhaka, achazadzwa naMweya Mutsvene kubvira achiri munhumbu maamai vake. Achazodzorera vazhinji vavaIsiraeri kuna Tenzi Mwari wavo. Achafamba pamberi paTenzi aina mweya nesimba raEriya kuti awadzanise madzibaba navana vavo; nokudzorera vasingateereri kuhungwaru hwavakarurama, kuti nhadzirire Tenzi vanhu vakamugadzirira.” Zakariya akati kumutumwa, “Ndingazive seiko zvinhu izvi? Ini ndakwegura uye mudzimai wangu achembera?” Mutumwa akamuti, “Ndini Gabhurieri, ndinomira pamberi paMwari, ndatumwa naTenzi kuti nditaure newe nokukuparidza shoko iri rakanaka. “Chinzwa, uchava chimumumu, usingagoni kutaura kusvikira musi wazvichaitika, nokuti hauna kutenda zvandakuudza, izvo zvichazoitika nenguva yazvo.”
Ruka 1:15-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti iye ucaʋa mukuru pamberi paShe; haaŋgatoŋgonwi waini neɀinoɓata; ucazadzwa noMŋeya Mutȿene kubva paɗumbu ramai ʋake. Ucadzorera ʋazhinji ʋaʋana ʋaIsraeri kunaShe, Mŋari waʋo. Ucafamba pamberi pake noMŋeya nesimba raEria, kuti adzorere mŋoyo yamadziɓaɓa kuʋana, naʋasiŋgatereri kuʋucenjeri bgaʋakarurama, agadzirire Ishe ʋanhu ʋakamugadzirirwa kwaɀo. Zakaria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ndicaɀiziʋa seiko? Nokuti ini ndaʋa mutana, nomukadzi waŋgu wacembera. Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Ndini Gabrieri, ndinomira pamberi paMŋari; ndatumŋa kuti nditaure newe, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. Tarira, ucanyarara, usiŋgagoni kutaura, kuȿikira zuʋa rinoitwa ɀinhu iɀi, nokuti hauna‐kutenda mashoko aŋgu, acaitika neŋguʋa yawo.
Ruka 1:15-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)