Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 13:18-26

Johani 13:18-26 SCLB

Handisi kureva mose; ndinoziva ini vandakasarudza kuti vanhui, uku kuti Magwaro Matsvene azadziswe anoti, “ ‘Wandinodya naye mundiro akandimukira.’ Ndiri kukutaurirai izvi iye zvino zvisati zvaitika kuti kana zvoitika mutende kuti ndini iye ari. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, ‘Anogamuchira wandinotuma anogamuchira ini. Anondigamuchirawo anogamuchira akandituma.’ ” Jesu paakataura izvi akashushikana mumwoyo akadura pachena achiti, “Zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri mumwe wenyu achandipandukira.” Vadzidzi vake vakatarisana vasingazivi kuti ndiani waaireva. Mumwe wavadzidzi vake wapamwoyo akanga akazembera pachipfuva chaJesu. Ipapo Simoni Pita akaninira kwaari kuti, “Tiudze kuti ndiani waari kureva.” Akazembera kudai, munyasi mechipfuwa chaJesu, akati kwaari, “Tenzi ndianiko iyeyo?” Jesu akapindura achiti, “Ndouyo wandichapa musuva uyu ndauseva.” Saizvozvo akaseva musuva uya akaupa kuna Judhasi mwana waSimoni Isikarioti.

Verenga chikamu Johani 13