Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 54:1-10

Isaya 54:1-10 SCLB

“Imba zvako iwe usina mbereko iwe usina kumbobereka denhura rumbo upururudze iwe usina kumborwadziwa napamuviri nokuti vana vako iwe wakasiyiwa vachawanda kupfuura vana veakaroorwa ndizvo zviri kutaurwa naTenzi. Kudza-kudza tendhe rako udhadhanure machira emaunogara okudzikatirisa usaregedze zvako rebesa tambo dzako, hoko dzako ngadzinyatsoti ndendende kusimba, nokuti uchatekeshera uku nouku zvizvarwa zvako zvichatonga marudzi avanhu, maguta ava matongo vachaaita misha yavo. “Rega zvako kutya nokuti hausi kuzombonyara, rega zvako kutenderedzwa musoro nazvo nokuti hausi kuzombonyadziswa pamusana pokuti zvakakunyadzisa uchiri mudiki, uchatozvikanganwa uye kushorwa kwako pamusana pouchirikadzi hausi kuzombokuyeuka; nokuti Musiki wako ndiye murume wako Tenzi wehondo nehondo ndiro zita rake iroro, uye Anoera weIsiraeri ndiye Mununuri wako iye anonzi Mwari wapasi pose. Ndinodaro nokuti Tenzi achakudaidza somudzimai akanga arambwa akashungurudzwa mwoyo somusikana akabvisa jaya mugota paanenge zvino adzingwa, ndizvo zviri kutaurwa naMwari wako. Ndakambokuti furatirei kwechinguva, asi nengoni dzangu dzakawanda kudai ndichakuunganidzai. Nokungoti virukei kwechinguva kwandakanga ndaita nehasha, ndakakupa gotsi. Asi norudo rusingaperi ndichakunzwira tsitsi. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mununuri wako. “Ndinodaro nokuti kwandiri ini, mazuva ano iwaya achaita semazuva aNowa andakatsidza kuti mafashamo aNowa haafaniri kuzombovazve panyika. Nokudaro ndinotsidza kuti handichazombokushatirirwazve kana kuzombokutsiudzazve. Ndinodaro nokuti makomo angabve zvawo paanenge ari, zvikomo zvikatozunguzika zvazvo; asi mwoyochena wangu kwauri iwe, hauzombobva uye chitenderano changu newe, chorugare, hachizombozunguziki ndizvo zviri kutaura Tenzi ane rudo newe.”

Verenga chikamu Isaya 54