Isaya 24:4-6
Isaya 24:4-6 SCLB
Pasi pose pari kuchema, pauna, nyika iri kuperezeka nokusvava, matenga ari kuperezekawo pamwechete napasi pose. Pasi pose paipiswa navagari vemo nokuti vakadarika mitemo vakaramba mirao vakatyora chitenderano chokugara nokugara. Naizvozvo rushambwa rwaparadza pasi pose vagari vemo vanotambudzikira mhosva dzavo. Ndokusaka vagari vepasi pose vakatsva kwasara vanhu vashoma.

