Isaya 24:4-6
Isaya 24:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nyika inooma uye inosvava, pasi pose panorwadziwa uye panounyana, vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa. Nyika inosvibiswa navanhu vayo; havana kuteerera mirayiro, vakapandukira mitemo uye vakaputsa sungano isingaperi. Naizvozvo chituko chinoparadza nyika, vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo. Naizvozvo vagari vomunyika vapiswa, uye vashoma ndivo vasara.
Isaya 24:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nyika inochema nokuoma, pasi pose panopera simba nokuoma, vanhu vakakudzwa venyika vanopera simba. Nyika yakasvibiswawo navagere mairi; nokuti vakadarika mirayiro, vakakanganisa mitemo, nokuputsa sungano isingaperi. Saka kutuka kwaMwari kwapedza nyika, navageremo vava nemhosva; saka vagere munyika vapiswa, vangosara vanhu vashoma.
Isaya 24:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pasi pose pari kuchema, pauna, nyika iri kuperezeka nokusvava, matenga ari kuperezekawo pamwechete napasi pose. Pasi pose paipiswa navagari vemo nokuti vakadarika mitemo vakaramba mirao vakatyora chitenderano chokugara nokugara. Naizvozvo rushambwa rwaparadza pasi pose vagari vemo vanotambudzikira mhosva dzavo. Ndokusaka vagari vepasi pose vakatsva kwasara vanhu vashoma.
Isaya 24:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nyika inocema nokuwoma, pasi pose panopera simba nokuwoma, ʋanhu ʋakakudzwa ʋenyika ʋanopera simba. Nyika yakaȿiɓiswa ʋo naʋagere mairi; nokuti ʋakaɗarika mirairo, ʋakakaŋganisa mitemo, nokuputsa suŋgano isiŋgaperi. Saka kutuka kwaMŋari kwapedza nyika, naʋagere’mo ʋaʋa nemhoȿa; saka ʋagere munyika ʋapiswa, ʋaŋgosara ʋanhu ʋashoma.
Isaya 24:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)