Ndichiporesa vokwaIsiraeri,
kuipa mwoyo kwevokwaEfuremu
kuchaiswa pachena,
nezviito zvakaipa zveSamaria
zvichange zvichiiswawo pachena
nokuti vanoita ujarijari
uku mbavha dzinopaza
kunze uku, mabhinya achipamba.
Asi havambofungi kuti
inini ndinoyeuka zvakaipa zvavo zvose.
Zvino zvitadzo zvavo
zvakavakomberedza
ini ndiri kuzviona zvangu.
“Vanotobata mambo kumeso
nouipi hwavo
vachibata kumeso machinda
nounyengedzi hwavo.
Vose zvavo, imhombwe,
dzinoita sehovhoni yapisa,
ine mubiki amborega zvake
kukuchidzira moto,
achimbokanya mukanyiwa
kusvikira watutumuka nembiriso.
Pazuva guru ramambo,
machinda akarwara nomudumbu,
vakabva vadziirwa newaini
mambo akatobatana zvake maoko nevashonhi.
Ndinodaro nokuti sokupisa kunoita hovhoni,
ivo vanotorwa mwoyo netwavanoronga,
usiku hwose zvahwo
hasha dzavo dzinorariropfumbuka,
mumangwanani umu
dzichin'anduka serimi romoto.
Vose zvavo vanopisa sehovhoni
vanoparadza vatongi vavo.
Madzimambo avo ose akaurayiwa
hapana kunyange mumwechete wavo
anonamata kwandiri.
“VokwaEfuremu vava kudyidzana nevechirudzi,
vokwaEfuremu vava kunge
mbodza zvayo yechingwa.
Vatorwa vari kuvasveta simba
asi ivo havasi kumbozviziva,
vhudzi ravo rava neimvi,
asi havasi kuzviziva.
Kuzvitutumadza kwevokwaIsiraeri
kwavapfukira zvino
asi havasi kudzoka
kuna Tenzi, Mwari wavo,
kunyange kumutsvaka
pamusana pezvose izvozvi.
VokwaEfuremu ava vakaita senjiva
yakazungaira inoita zvisina musoro,
vanoridzira mhere yorubatsiro kuIjipiti
pedzepo voenda kuAsiria.
Vachiendako kudaro,
ndichati pamusoro pavo
mumbure wangu ware ware
ndivarakatise seshiri dzedenga
ndichivarangira zviito zvavo zvakaipa.
“Zvichavawana zvavo
ivo vakatetereka vachibva kwandiri,
kuparadzwa ndokwavo,
nokuti vakandipandukira.
“Kuvanunura, ndaigona zvangu kuvanunura
asi vanotaura manyepo nezvangu.
Havanamati kwandiri
nemwoyo wose
asi vanohwihwidza kuchema
vari pamibhedha yavo.
Pavanokumbira mbesanwa newaini
vanonamata vachizvicheka-cheka muviri
vachitondipandukira zvavo.
Kunyange zvazvo, ndiri ini zvangu,
ndakavadzidzisa ndichivasimbaradza,
asi ivo vakaita bangano
rokutondipandukira zvavo.
Vanotendeukira kundonamata Bhaari
vachiita souta hwakakombama-kombama.
Machinda avo achafa
nehondo yebakatwa
pamusana pokuzvizuwidza
kwavanoita nomuromo wavo.
Izvozvi izvi zvichavaita kuti
vave chiseko chaicho kunyika yeIjipiti.”