Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 7:1-16

Hosea 7:1-16 SCLB

Ndichiporesa vokwaIsiraeri, kuipa mwoyo kwevokwaEfuremu kuchaiswa pachena, nezviito zvakaipa zveSamaria zvichange zvichiiswawo pachena nokuti vanoita ujarijari uku mbavha dzinopaza kunze uku, mabhinya achipamba. Asi havambofungi kuti inini ndinoyeuka zvakaipa zvavo zvose. Zvino zvitadzo zvavo zvakavakomberedza ini ndiri kuzviona zvangu. “Vanotobata mambo kumeso nouipi hwavo vachibata kumeso machinda nounyengedzi hwavo. Vose zvavo, imhombwe, dzinoita sehovhoni yapisa, ine mubiki amborega zvake kukuchidzira moto, achimbokanya mukanyiwa kusvikira watutumuka nembiriso. Pazuva guru ramambo, machinda akarwara nomudumbu, vakabva vadziirwa newaini mambo akatobatana zvake maoko nevashonhi. Ndinodaro nokuti sokupisa kunoita hovhoni, ivo vanotorwa mwoyo netwavanoronga, usiku hwose zvahwo hasha dzavo dzinorariropfumbuka, mumangwanani umu dzichin'anduka serimi romoto. Vose zvavo vanopisa sehovhoni vanoparadza vatongi vavo. Madzimambo avo ose akaurayiwa hapana kunyange mumwechete wavo anonamata kwandiri. “VokwaEfuremu vava kudyidzana nevechirudzi, vokwaEfuremu vava kunge mbodza zvayo yechingwa. Vatorwa vari kuvasveta simba asi ivo havasi kumbozviziva, vhudzi ravo rava neimvi, asi havasi kuzviziva. Kuzvitutumadza kwevokwaIsiraeri kwavapfukira zvino asi havasi kudzoka kuna Tenzi, Mwari wavo, kunyange kumutsvaka pamusana pezvose izvozvi. VokwaEfuremu ava vakaita senjiva yakazungaira inoita zvisina musoro, vanoridzira mhere yorubatsiro kuIjipiti pedzepo voenda kuAsiria. Vachiendako kudaro, ndichati pamusoro pavo mumbure wangu ware ware ndivarakatise seshiri dzedenga ndichivarangira zviito zvavo zvakaipa. “Zvichavawana zvavo ivo vakatetereka vachibva kwandiri, kuparadzwa ndokwavo, nokuti vakandipandukira. “Kuvanunura, ndaigona zvangu kuvanunura asi vanotaura manyepo nezvangu. Havanamati kwandiri nemwoyo wose asi vanohwihwidza kuchema vari pamibhedha yavo. Pavanokumbira mbesanwa newaini vanonamata vachizvicheka-cheka muviri vachitondipandukira zvavo. Kunyange zvazvo, ndiri ini zvangu, ndakavadzidzisa ndichivasimbaradza, asi ivo vakaita bangano rokutondipandukira zvavo. Vanotendeukira kundonamata Bhaari vachiita souta hwakakombama-kombama. Machinda avo achafa nehondo yebakatwa pamusana pokuzvizuwidza kwavanoita nomuromo wavo. Izvozvi izvi zvichavaita kuti vave chiseko chaicho kunyika yeIjipiti.”

Verenga chikamu Hosea 7