Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 7:1-16

Hosea 7:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Pose pandinoda kuporesa Israeri, zvivi zvaEfuremu zvinoiswa pachena uye mhosva dzeSamaria dzinobudiswa pachena. Vanoita zvounyengeri, mbavha dzinopaza dzimba, uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira; asi havazivi kuti ndinorangarira zvakaipa zvose zvavanoita. Zvivi zvavo zvinovakomberedza; zvinoramba zviri pamberi pangu nguva dzose. “Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo, machinda nenhema dzavo. Vose imhombwe, vanopisa sechoto, moto wacho usingadi mukanyi wechingwa kukuchidzira, kubva pakukanywa kwebundu rechingwa kusvikira chafuta. Pazuva romutambo wamambo wedu machinda anorwara nokuda kwewaini, uye iye akabatana navaseki. Mwoyo yavo yakafanana nechoto; vanouya kwaari nounyengeri, ruchiva rwavo runonyeketa somoto usiku hwose; mangwanani ruchizopfuta serimi romoto. Vose zvavo vanopisa sechoto; vanoparadza vatongi vavo. Madzimambo avo ose anowira pasi, uye hapana kana mumwe wavo anodana kwandiri. “Efuremu anovhengana namarudzi; Efuremu chingwa chitete chisina kushandurwa. Vatorwa vakamusveta simba rake, asi iye haazvizivi. Bvudzi rake rava kuchena, asi iye haazvicherechedzi. Kuzvikudza kwaIsraeri kunomupupurira zvakaipa, asi kunyange zvakadaro haadzoki kuna Jehovha Mwari wake kana kumutsvaka. “Efuremu akaita senjiva, inonyengereka zviri nyore uye isina njere, zvino anodana kuIjipiti, mushure anoenda kuAsiria. Pavachaenda, ndichakandira mumbure pamusoro pavo; ndichavakwevera pasi seshiri dzedenga. Pandichavanzwa vachibhururuka pamwe chete, ndichavabata. Vane nhamo, nokuti vakarasika vachibva kwandiri! Ngavaparadzwe, nokuti vakandipandukira! Ndinoshuva kuvadzikinura, asi vanondirevera nhema. Havachemi kwandiri zvinobva pamwoyo yavo, asi vanoungudza vari panhoo dzavo. Vanounganira zviyo newaini itsva asi vanondifuratira. Ndakavadzidzisa ndikavasimbisa, asi vanorangana kundiitira zvakaipa. Havadzokeri kuna iye Wokumusoro-soro; vakafanana nouta hunonyengera. Vatungamiri vavo vachaparadzwa nomunondo, nokuda kwamashoko avo ounhubu. Nokuda kwaizvozvi vachasekwa munyika yeIjipiti.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 7

Hosea 7:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Kana ndichirapa Isiraeri, kuipa kwaEfuremu kwoonekwa nezvakashata zveSamaria; nokuti vanonyengera, mbavha inopinda mukati uye boka ramakororo rinoparadza kunze. “Asi havafungi mumwoyo yavo kuti ndinorangarira zvakaipa zvavo zvose; zvino zvavakaita zvinovakomberedza, zviri pamberi pangu.” “Vanofadza mambo nezvakashata zvavo, namachinda nenhema dzavo. Vose imhombwe; vakafanana nechoto chakaveserwa nomubiki wechingwa; unorega kukuchidzira moto, kana akanya bundu rechingwa, kusvikira ravira. Nezuva ramambo wedu machinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye akatambanudza ruoko rwake pamwechete navaseki. Nokuti vakagadzira mwoyo yavo sechoto, vachivandira; mubiki wavo wechingwa unovata husiku hwose, mangwanani chinopfuta somurazvo womoto.” “Vanopisa vose sechoto, vanoparadza vatongi vavo; madzimambo avo ose akawira pasi, hakuna nomumwe pakati pavo anodana kwandiri. “Efuremu ndiye anozvivenganisa namamwe marudzi, Efuremu chingwa chisinakushandurwa. Vatorwa vakapedza simba rake, asi iye haazvizivi; zvirokwazvo vhudzi rake rochena pose-pose, asi iye haazvizivi. Kuzvikudza kwaIsiraeri kunopupura pamberi pake, asi havana kudzokera kuna Jehovha Mwari wavo, kana kumutsvaka, kunyange izvi zvose zvakadaro. Efuremu akaita senjiva isina mano, isina njere; vanodana Ijipiti, vanoenda Asiria. Kana vachienda, ndichakandira mumbure wangu pamusoro pavo, ndichavakwevera pasi seshiri dzokudenga; ndichavaranga sezvavakaudzwa paungano yavo. “Vane nhamo ivo nokuti vakatsauka kwandiri; ngavaparadzwe, nokuti vakandidarikira; kunyange ndakanga ndichida kuvadzikinura, vakandirevera nhema. “Havana kudana kwandiri nemwoyo yavo, asi vanoungudza panhoo dzavo; vanounganira zviyo newaini itsva, vanondimukira. Kunyange ndakavadzidzisa nokusimbisa maoko avo, kunyange zvakadaro vanofunga kundiitira zvakaipa. Vanodzoka, asi havadzokeri kuna iye ari kumusoro; vakafanana nouta hunonyengera; machinda avo achaparadzwa nomunondo nokuda kwehasha dzamarimi avo; ndiko kuchava kusekwa kwavo panyika yeIjipiti.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 7

Hosea 7:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndichiporesa vokwaIsiraeri, kuipa mwoyo kwevokwaEfuremu kuchaiswa pachena, nezviito zvakaipa zveSamaria zvichange zvichiiswawo pachena nokuti vanoita ujarijari uku mbavha dzinopaza kunze uku, mabhinya achipamba. Asi havambofungi kuti inini ndinoyeuka zvakaipa zvavo zvose. Zvino zvitadzo zvavo zvakavakomberedza ini ndiri kuzviona zvangu. “Vanotobata mambo kumeso nouipi hwavo vachibata kumeso machinda nounyengedzi hwavo. Vose zvavo, imhombwe, dzinoita sehovhoni yapisa, ine mubiki amborega zvake kukuchidzira moto, achimbokanya mukanyiwa kusvikira watutumuka nembiriso. Pazuva guru ramambo, machinda akarwara nomudumbu, vakabva vadziirwa newaini mambo akatobatana zvake maoko nevashonhi. Ndinodaro nokuti sokupisa kunoita hovhoni, ivo vanotorwa mwoyo netwavanoronga, usiku hwose zvahwo hasha dzavo dzinorariropfumbuka, mumangwanani umu dzichin'anduka serimi romoto. Vose zvavo vanopisa sehovhoni vanoparadza vatongi vavo. Madzimambo avo ose akaurayiwa hapana kunyange mumwechete wavo anonamata kwandiri. “VokwaEfuremu vava kudyidzana nevechirudzi, vokwaEfuremu vava kunge mbodza zvayo yechingwa. Vatorwa vari kuvasveta simba asi ivo havasi kumbozviziva, vhudzi ravo rava neimvi, asi havasi kuzviziva. Kuzvitutumadza kwevokwaIsiraeri kwavapfukira zvino asi havasi kudzoka kuna Tenzi, Mwari wavo, kunyange kumutsvaka pamusana pezvose izvozvi. VokwaEfuremu ava vakaita senjiva yakazungaira inoita zvisina musoro, vanoridzira mhere yorubatsiro kuIjipiti pedzepo voenda kuAsiria. Vachiendako kudaro, ndichati pamusoro pavo mumbure wangu ware ware ndivarakatise seshiri dzedenga ndichivarangira zviito zvavo zvakaipa. “Zvichavawana zvavo ivo vakatetereka vachibva kwandiri, kuparadzwa ndokwavo, nokuti vakandipandukira. “Kuvanunura, ndaigona zvangu kuvanunura asi vanotaura manyepo nezvangu. Havanamati kwandiri nemwoyo wose asi vanohwihwidza kuchema vari pamibhedha yavo. Pavanokumbira mbesanwa newaini vanonamata vachizvicheka-cheka muviri vachitondipandukira zvavo. Kunyange zvazvo, ndiri ini zvangu, ndakavadzidzisa ndichivasimbaradza, asi ivo vakaita bangano rokutondipandukira zvavo. Vanotendeukira kundonamata Bhaari vachiita souta hwakakombama-kombama. Machinda avo achafa nehondo yebakatwa pamusana pokuzvizuwidza kwavanoita nomuromo wavo. Izvozvi izvi zvichavaita kuti vave chiseko chaicho kunyika yeIjipiti.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 7

Hosea 7:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Kana ndicirapa Israeri, kuipa kwaEfraimi kwoʋonekwa neɀakashata ɀeSamaria; nokuti ʋanonyeŋgera, mbava inopinda mukati, ʋuye ɓoka ramakororo rinoparadza kunze. Asi haʋafuŋgi mumŋoyo yaʋo kuti ndinoraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo ɀose; ɀino ɀaʋakaita ɀinoʋakomberedza, ɀiri pamberi paŋgu. Ʋanofadza mambo neɀakashata ɀaʋo, namacinda nenhema dzaʋo. Ʋose imhombge; ʋakafanana necoto cakaʋeserwa nomuɓiki weciŋgwa; unorega kukucidzira mŋoto, kana akanya ɓundu reciŋgwa, kuȿikira raʋira. Nezuʋa ramambo weɗu macinda akarwariswa nokupisa kwewaini; iye wakatambanudza ruʋoko rwake pamŋe cete naʋaseki. Nokuti ʋakagadzira mŋoyo yaʋo secoto, ʋaciʋandira; muɓiki waʋo weciŋgwa unoʋata ʋusiku bgose, maŋgwanani cinopfuta somuraɀo womŋoto. Ʋanopisa ʋose secoto, ʋanoparadza ʋatoŋgi ʋaʋo; madzimambo aʋo ose akawira pasi, hakuna‐nomumŋe pakati paʋo unoɗana kwandiri. Efraimi ndiye unoɀiveŋganisa namamŋe marudzi; Efraimi ciŋgwa cisino‐kushandurwa. Ʋatorwa ʋakapedza simba rake, asi iye haaɀiziʋi; ɀirokwaɀo vudzi rake rocena pose‐pose, asi iye haaɀiziʋi. Kuɀikudza kwaIsraeri kunopupura pamberi pake, asi haʋana‐kudzokera kunaJehova Mŋari waʋo, kana kumutȿaka, kunyaŋge iɀi ɀose ɀakaɗaro. Efraimi wakaita senjiʋa isinamano, isinenjere; ʋanoɗana Egipita, ʋanoenda Asiria. Kana ʋacienda, ndicakandira mumbure waŋgu pamsoro paʋo, ndicaʋakweʋera pasi seshiri dzokuɗeŋga; ndicaʋaraŋga seɀaʋakaʋudzwa paʋuŋgano yaʋo. Ʋanenhamo iʋo, nokuti ʋakatsauka kwandiri; ŋgaʋaparadzwe, nokuti ʋakandiɗarikira; kunyaŋge ndakaŋga ndiciɗa kuʋadzikinura, ʋakandireʋera nhema. Haʋana‐kuɗana kwandiri nemŋoyo yaʋo, asi ʋanowuŋgudza panhoʋo dzaʋo; ʋanoʋuŋganira ɀiyo newaini itȿa, ʋanondimukira. Kunyaŋge ndakaʋadzidzisa nokusimbisa maʋoko aʋo, kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanofuŋga kundiitira ɀakaipa. Ʋanodzoka, asi haʋadzokeri kunaiye uri kumsoro; ʋakafanana noʋuta ʋunonyeŋgera; macinda aʋo acaparadzwa nomunondo nokuɗa kwehasha dzamarimi aʋo; ndiko kucaʋa kusekwa kwaʋo panyika yeEgipita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 7

Hosea 7:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)