Imi vaIsiraeri, dzokerai kuna Tenzi, Mwari wenyu nokuti makadhadharika pamusana pouipi hwenyu. Chidzokerai kuna Tenzi namazwi okuteterera mundoti kwaari, “Tibvisireiwo uipi hwose mugamuchire waro zvinenge zvakanaka tichipira muromo watinotaura kwamuri sehandira. Nyika yeAsiria haimbotiponesa zvamabhiza, hatisiri kuzoatasva. Hatisiri kuzombotaura kuzvinhu zvatakagadzira namaoko edu tichizviti, ‘Nhai Mwari wedu.’ ” Mamuri imimi, nherera ndomadzinowana nyasha. “Umhandupandu hwavo ihwohwo ndichahurapa, ndichavada zvangu pachena nokuti kuvashatirirwa kwandanga ndakaita, ndazvidzora. Ndichaita sedova kuIsiraeri igotumbuka seruva rejongwe igodzika midzi somupopura nhungirwa dzayo dzichipasa uko nokoko, kuyevedza kweIsiraeri kuchaita sekwemuorivhi, kunhuwirira kwayo, kuchiita sekwenyika yeRebhanoni. Vachadzoka kuzogara mumumvuri wangu vagoita sebindu rizere nezvirimwa. Vachapfumvudza somugirepisi kunhuwirira kwavo kuchiita sewaini yeRebhanoni. Nhaimi vokwaEfuremu Munei nezvifananidzo zvokunamata? Inini ndini ndinokupai mhinduro ndini ndinokuchengetai. Ini ndakaita somusaipurasi unogara wakasvibira, kwandiri ini ndokunobva michero yenyu.” Munhu wose ano ungwaru, ngaanzwisise zvinhu izvozvi, ani naani zvake anofunga ngaazive zvinhu izvi, nokuti makwara aTenzi makwara akarurama, uye vakarurama vanofamba maari asi vakaipa vanogumburwa nawo.
Verenga chikamu Hosea 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Hosea 14:1-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo