Hosea 14:1-9
Hosea 14:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iwe Israeri, dzokera kuna Jehovha Mwari wako. Zvivi zvako ndizvo zvakauyisa kuwa kwako! Endai namashoko uye mudzokere kuna Jehovha. Muti kwaari: “Regererai zvivi zvedu zvose mutigamuchire nenyasha, kuti tigopa zvibereko zvemiromo yedu. Asiria haingatiponesi; hatingatasvi mabhiza ehondo. Hatizombotizve, ‘Vamwari vedu’ kune zvakagadzirwa namaoko edu chaiwo, nokuti nherera dzinowana tsitsi mamuri.” “Ndichaporesa kusateerera kwavo uye ndichangovada hangu, nokuti hasha dzangu dzabva kwavari. Ndichava sedova kuna Israeri; achatunga seruva remahapa. Somusidhari weRebhanoni achadzikisa midzi yake; mabukira ake achakura. Kunaka kwake kuchafanana nekwomuti womuorivhi, kunhuhwira kwake sekwomusidhari weRebhanoni. Vanhu vachagarazve mumumvuri wake. Achabudirira sezviyo. Achatunga maruva somuzambiringa, uye mbiri yake ichafanana newaini yeRebhanoni. Nhai Efuremu, ndichineiko chokuita nezvifananidzo? Ndichamupindura uye ndichamuchengeta. Ndakafanana nomuti womupaini wakasvibira; kubereka kwako kunobva kwandiri.” Ndiani akachenjera? Achacherechedza zvinhu izvi. Ndiani anonzvera? Achazvinzwisisa. Nzira dzaJehovha dzakarurama; vakarurama vanofamba madziri, asi vatadzi vanogumburwa madziri.
Hosea 14:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Aiwa, imi Isiraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu, nokuti makagumburwa nezvakaipa zvenyu. Endai namashoko, mudzokere kuna Jehovha, muti kwaari, “Bvisai zvakaipa zvose, mugamuchire zvinhu zvakanaka, ipapo tichakupai miromo yedu, zvive zvibayiro zvedu. Asiria havangatiponesi; hatingatasvi mabhiza, hatingazoti kubasa ramaoko edu. Ndimi vamwari vedu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri.” “Ndichaporesa kudzokera kwavo shure, ndichavada nokuda kwangu; nokuti kutsamwa kwangu kwabviswa kwavari. Ndichava sedova kuna Isiraeri, vachatunga seruva, vachatanda midzi yavo seRebhanoni. Matavi avo achatanda, kunaka kwavo kuchafanana nomuorivhi, nokunhuwira kwavo sokweRebhanoni. “Vanogara mumumvuri wavo vachadzoka, vachararama sezviyo, nokutunga maruva somudzambiringa; kurumbidzwa kwavo kuchafanana newaini yeRebhanoni. “Efuremu, ndichineiko nezvifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuonde mutema, zvibereko zvako zvichawanikwa kwandiri.” Ndianiko akachenjera, anzwisise zvinhu izvi, kana akangwara, azvizive? Nokuti nzira dzaJehovha dzakarurama, vakarurama vachafamba nadzo; asi vadariki vachawa madziri.
Hosea 14:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi vaIsiraeri, dzokerai kuna Tenzi, Mwari wenyu nokuti makadhadharika pamusana pouipi hwenyu. Chidzokerai kuna Tenzi namazwi okuteterera mundoti kwaari, “Tibvisireiwo uipi hwose mugamuchire waro zvinenge zvakanaka tichipira muromo watinotaura kwamuri sehandira. Nyika yeAsiria haimbotiponesa zvamabhiza, hatisiri kuzoatasva. Hatisiri kuzombotaura kuzvinhu zvatakagadzira namaoko edu tichizviti, ‘Nhai Mwari wedu.’ ” Mamuri imimi, nherera ndomadzinowana nyasha. “Umhandupandu hwavo ihwohwo ndichahurapa, ndichavada zvangu pachena nokuti kuvashatirirwa kwandanga ndakaita, ndazvidzora. Ndichaita sedova kuIsiraeri igotumbuka seruva rejongwe igodzika midzi somupopura nhungirwa dzayo dzichipasa uko nokoko, kuyevedza kweIsiraeri kuchaita sekwemuorivhi, kunhuwirira kwayo, kuchiita sekwenyika yeRebhanoni. Vachadzoka kuzogara mumumvuri wangu vagoita sebindu rizere nezvirimwa. Vachapfumvudza somugirepisi kunhuwirira kwavo kuchiita sewaini yeRebhanoni. Nhaimi vokwaEfuremu Munei nezvifananidzo zvokunamata? Inini ndini ndinokupai mhinduro ndini ndinokuchengetai. Ini ndakaita somusaipurasi unogara wakasvibira, kwandiri ini ndokunobva michero yenyu.” Munhu wose ano ungwaru, ngaanzwisise zvinhu izvozvi, ani naani zvake anofunga ngaazive zvinhu izvi, nokuti makwara aTenzi makwara akarurama, uye vakarurama vanofamba maari asi vakaipa vanogumburwa nawo.
Hosea 14:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, imi Israeri, dzokerai kunaJehova Mŋari wenyu, nokuti makagumburwa neɀakaipa ɀenyu. Endai namashoko, mudzokere kunaJehova, muti kwaari: Bvisai ɀakaipa ɀose, mugamucire ɀinhu ɀakanaka, ipapo ticakupai miromo yeɗu, ɀiʋe ɀiɓayiro ɀeɗu. Asiria haʋaŋgatiponesi; hatiŋgataȿi mabiza, hatiŋgazoti kuɓasa ramaʋoko eɗu: Ndimi ʋamŋari ʋeɗu; nokuti nherera dzinowana nyasha kwamuri. Ndicaporesa kudzokera kwaʋo shure, ndicaʋaɗa nokuɗa kwaŋgu; nokuti kutsamŋa kwaŋgu kwabviswa kwaʋari. Ndicaʋa seɗoʋa kunaIsraeri, ʋacatuŋga seruʋa, ʋacatanda midzi yaʋo seRebanoni. Mataʋi aʋo acatanda, kunaka kwaʋo kucafanana nomuorivi, nokunhuwira kwaʋo sokweRebanoni. Ʋanogara mumumvuri waʋo ʋacadzoka, ʋacararama seɀiyo, nokutuŋga maruʋa somuzambiriŋga; kurumbidzwa kwaʋo kucafanana newaini yeRebanoni. Efraimi, ndicineiko neɀifananidzo? Ndakapindura, ndinehanya naye; ndakafanana nomuʋonde mutema, ɀiɓereko ɀako ɀicawanikwa kwandiri. Ndianiko wakacenjera, anzwisise ɀinhu iɀi, kana wakaŋgwara, aɀiziʋe? Nokuti nzira dzaJehova dzakarurama, ʋakarurama ʋacafamba nadzo; asi ʋaɗariki ʋacawa madziri.
Hosea 14:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)