Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 11:1-12

Hosea 11:1-12 SCLB

“Isiraeri paakanga achiri mwana mudiki, ndaimuda. Ndakadaidza mwana wangu iyeyu kubva kuIjipiti. Pandaimudaidza ndopaainyanya kutsaukana neni. Vakaramba vachipira zvibayiro zvavo kuna Bhaari uye vachipisirawo rusenzi kuzvifananidzo zvokunamata. Asi iyeni ndini ndakadzidzisa vokwaEfuremu kufamba. Ndaivatakura mumaoko asi zvokuziva kuti ndini ndaivarapa, havana kuziva. Ndaivatungamirira netambo yengoni pamwe neyamabhande orudo. Ndakavasimudza somwana muduku pachipfuva changu ndikakotama ndichivapa chokudya. “KuIjipiti havachadzokera asi Asiria ndiyo ichavatongao nokuti vakaramba kudzokera kwandiri. Hondo ichatsviriridza mumaguta avo ichityoranisa zvihuri zvemisuo mikuru yavo, ichivaparadza mutsvingo dzavo dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Vanhu vangu vaomarara nenyaya yokutsaukana neni. Saka joko nderavo hapana anovakumura. “Ndingagokurasai seiko nhai vokwaEfuremu? Ndingagokutii kuche mumaoko avo seiko nhaimi vokwaIsiraeri? Ndingagokubatai somubatiro wandakaita guta reAdhima here, kana zvandakaita kuguta reZebhoimu? Mwoyo wangu unoramba mukati mangu. Mwoyo wangu wetsitsi uri kutoramba uchiwedzera kukudai. Handicharatidza hasha dzangu dzinotyisa, vokwaEfuremu, handichavaparadza zvakare nokuti ini ndiri Mwari handisi munhu, iye Anoera, ndiri pakati penyu uye handisi kuuya kuzoparadza. Vachatevera Tenzi iye achidzvova seshumba, achidzvova kudaro vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero. Vachauya vachibhabhama seshiri vachibva kuIjipiti, senjiva, vachibva kunyika yeAsiria ndichivadzosera kumisha yavo, ndozviri kutaura Tenzi.” VokwaEfuremu vandikomberedza namanyepo, vembawo yokwaIsiraeri vachindikomberedza nounyengedzi. Asi vokwaJudha vanofamba naTenzi uye vakatendeseka kuna iye Anoera.

Verenga chikamu Hosea 11