Hosea 11:1-12
Hosea 11:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda, uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti. Asi pandakanyanya kuvadana, vakatonyanya kunditiza. Vakabayira kuna vanaBhaari uye vakapisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo. Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba, ndichivasesedza namaoko avo; asi havana kuzvicherechedza kuti ndini ndakavarapa. Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu, nezvisungo zvorudo; ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo ndikakotama kuti ndivape zvokudya: “Havangadzokerizve kuIjipiti uye vaAsiria havangavatongi here nokuti vakaramba kutendeuka? Minondo ichapenya mumaguta avo, ichaparadza mazariro pamasuo avo uye ichagumisa zvirongwa zvavo. Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri. Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro, haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo. “Ndinokuregedza seiko, Efuremu? Ndingakuendesa seiko, Israeri? Ndingakuitireiko saAdhima? Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi? Mwoyo wangu washanduka mukati mangu; tsitsi dzangu dzose dzamutswa. Handingazadzisi kutsamwa kwangu kukuru kana kutendeuka kuti ndiparadze Efuremu. Nokuti ndiri Mwari, kwete munhu, Mutsvene pakati penyu. Handingauyi ndakatsamwa. Vachatevera Jehovha; achaomba seshumba. Paachaomba, vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero. Vachauya vachidedera seshiri vachibva kuIjipiti, senjiva vachibva kuAsiria. Ndichavagarisa mudzimba dzavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Efuremu andikomberedza nenhema, imba yaIsraeri nounyengeri. Uye Judha akasindimara pamberi paMwari, kunyange pamberi paIye Mutsvene Akatendeka.
Hosea 11:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Isiraeri achiri mwana muduku, ndaimuda, ndikadana mwanakomana wangu abve Ijipiti. Vaporofita vachinyanya kuvadana, ivo vakanyanya kuvatiza; vakabayira vaBhaari, nokupisira zvifananidzo zvakavezwa zvinonhuwira. Kunyange zvakadaro ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavatakura mumaoko angu, asi havana kuziva kuti ndini ndakavaporesa. Ndakavakakata namabote omunhu, nezvisungo zvorudo; ndakava kwavari somunhu anobvisa joko pashaya dzavo, ndikagadza zvokudya pamberi pavo. “Havangadzokeri kunyika yeIjipiti, asi muAsiria ndiye achava mambo wavo, nokuti vakaramba kudzokera kwandiri. Munondo uchava nehasha pakati pamaguta avo, uchapedza zvipfigiso zvavo nokuzviparadza, nemhaka yamano avo. Vanhu vangu vanoramba vachida kudzokera shure vachindisiya; kunyange vachidanwa kune Wokumusoro, havatongosimuki. Ndingakuregedza seiko, iwe Isiraeri? Ndingakuita seiko seAdhima? Ndingakuenzanisa seiko neZebhoimi? Mwoyo wangu washandukurwa mukati mangu, tsitsi dzangu dzamutswa pamwechete. Handingaiti nokutsamwa kwangu kukuru, handingadzoki ndichiti ndiparadze Efuremu; nokuti ndiri Mwari, handizi munhu, ndini Mutsvene pakati penyu, handingauyi ndakatsamwa. “Vachatevera Jehovha, achiomba seshumba; nokuti uchaomba, vana vachauya vachidedera vachibva mavirazuva. “Vachauya seshiri vachibva Ijipiti, senjiva vachibva panyika yeAsiria; ini ndichavagarisa mudzimba dzavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Efuremu vakandikombera nenhema, uye imba yaIsiraeri nokunyengera; Judha vanongoramba vachipenga pamberi paMwari, pamberi paiye Mutsvene akatendeka.
Hosea 11:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Isiraeri paakanga achiri mwana mudiki, ndaimuda. Ndakadaidza mwana wangu iyeyu kubva kuIjipiti. Pandaimudaidza ndopaainyanya kutsaukana neni. Vakaramba vachipira zvibayiro zvavo kuna Bhaari uye vachipisirawo rusenzi kuzvifananidzo zvokunamata. Asi iyeni ndini ndakadzidzisa vokwaEfuremu kufamba. Ndaivatakura mumaoko asi zvokuziva kuti ndini ndaivarapa, havana kuziva. Ndaivatungamirira netambo yengoni pamwe neyamabhande orudo. Ndakavasimudza somwana muduku pachipfuva changu ndikakotama ndichivapa chokudya. “KuIjipiti havachadzokera asi Asiria ndiyo ichavatongao nokuti vakaramba kudzokera kwandiri. Hondo ichatsviriridza mumaguta avo ichityoranisa zvihuri zvemisuo mikuru yavo, ichivaparadza mutsvingo dzavo dzokuzvidzivirira nadzo muhondo. Vanhu vangu vaomarara nenyaya yokutsaukana neni. Saka joko nderavo hapana anovakumura. “Ndingagokurasai seiko nhai vokwaEfuremu? Ndingagokutii kuche mumaoko avo seiko nhaimi vokwaIsiraeri? Ndingagokubatai somubatiro wandakaita guta reAdhima here, kana zvandakaita kuguta reZebhoimu? Mwoyo wangu unoramba mukati mangu. Mwoyo wangu wetsitsi uri kutoramba uchiwedzera kukudai. Handicharatidza hasha dzangu dzinotyisa, vokwaEfuremu, handichavaparadza zvakare nokuti ini ndiri Mwari handisi munhu, iye Anoera, ndiri pakati penyu uye handisi kuuya kuzoparadza. Vachatevera Tenzi iye achidzvova seshumba, achidzvova kudaro vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero. Vachauya vachibhabhama seshiri vachibva kuIjipiti, senjiva, vachibva kunyika yeAsiria ndichivadzosera kumisha yavo, ndozviri kutaura Tenzi.” VokwaEfuremu vandikomberedza namanyepo, vembawo yokwaIsiraeri vachindikomberedza nounyengedzi. Asi vokwaJudha vanofamba naTenzi uye vakatendeseka kuna iye Anoera.
Hosea 11:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Israeri aciri mŋana muɗuku, ndaimuɗa, ndikaɗana mŋanakomana waŋgu abve Egipita. Ʋaprofita ʋacinyanya kuʋaɗana, iʋo ʋakanyanya kuʋatiza; ʋakaɓayira ʋaBaari, nokupisira ɀifananidzo ɀakaʋezwa ɀinonhuwira. Kunyaŋge ɀakaɗaro ini ndakadzidzisa Efraimi kufamba; ndakaʋatakura mumaʋoko aŋgu, asi haʋana‐kuziʋa kuti ndini ndakaʋaporesa. Ndakaʋakakata namaɓote omunhu, neɀisuŋgo ɀoruɗo; ndakaʋa kwaʋari somunhu unobvisa joko pashaya dzaʋo, ndikagadza ɀokudya pamberi paʋo. Haʋaŋgadzokeri kunyika yeEgipita, asi muAsiria ndiye ucaʋa mambo waʋo, nokuti ʋakaramba kudzokera kwandiri. Munondo ucaʋa nehasha pakati pamaguta aʋo, ucapedza ɀipfigiso ɀaʋo nokuɀiparadza, nemhaka yamano aʋo. Ʋanhu ʋaŋgu ʋanoramba ʋaciɗa kudzokera shure ʋacindisiya; kunyaŋge ʋaciɗanwa kunoWokumsoro, haʋatoŋgosimuki. Ndiŋgakuregedza seiko, iwe Efraimi? Ndiŋgakurasha seiko, iwe Israeri? Ndiŋgakuita seiko seAdma? Ndiŋgakuenzanisa seiko neZeboimi? Mŋoyo waŋgu washandukurwa mukati maŋgu, tsitsi dzaŋgu dzamutswa pamŋe cete. Handiŋgaiti nokutsamŋa kwaŋgu kukuru, handiŋgadzoki ndiciti ndiparadze Efraimi; nokuti ndiri Mŋari, handizi munhu, ndini Mutȿene pakati penyu, handiŋgaʋuyi ndakatsamŋa. Ʋacateʋera Jehova, aciʋomba seshumba; nokuti ucaʋomba, ʋana ʋacaʋuya ʋaciɗeɗera ʋacibva maʋirazuʋa. Ʋacaʋuya ʋaciɗeɗera seshiri ʋacibva Egipita, senjiʋa ʋacibva panyika yeAsiria; ini ndicaʋagarisa mudzimba dzaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Efraimi ʋakandikombera nenhema, ʋuye imba yaIsraeri nokunyeŋgera; Juda ʋanoŋgoramba ʋacipeŋga pamberi paMŋari, pamberi paiye Mutȿene wakatendeka.
Hosea 11:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)