Mavambo 46:1-4
Mavambo 46:1-4 SCLB
Isiraeri akarongedza zvose zvaakanga anazvo ndokupinda munzira. Paakasvika kuBheerishebha akapira chibayiro kuna Mwari waIsaki baba wake. Usiku ihwohwo Mwari akaratidza Jakobho chiratidzo, akamudaidza achiti, “Jakobho Jakobho!” Jakobho akati, “Ndiri pano.” Mwari ndokuti, “Ndini Mwari, Mwari wababa vako. Usatye hako kuenda kuIjipiti nokuti vana vako ndichavaita rudzi rukuru ikoko. Ndichaenda newe kuIjipiti, ndichazodzosazve vana vako kuno. Pakufa kwako Josefi ndiye achakudzora maziso achikupeta.”

