Genesisi 46:1-4
Genesisi 46:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Israeri akasimuka nezvose zvakanga zviri zvake, uye akati asvika kuBheerishebha, akapa zvibayiro kuna Mwari wababa vake Isaka. Uye Mwari akataura kuna Israeri muchiratidzo usiku akati, “Jakobho! Jakobho!” Iye akati, “Ndiri pano.” Mwari akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako. Usatya kuenda kuIjipiti, nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko. Ndichaburuka kuIjipiti pamwe chete newe, uye zvirokwazvo ndichakudzosazve. Uye ruoko rwaJosefa chairwo ndirwo ruchazarira meso ako.”
Genesisi 46:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Isiraeri akabva nezvose zvaakanga anazvo, akasvika Bheerishebha, akabayira Mwari wababa vake Isaka zvibayiro. Mwari akataura naIsiraeri nezviratidzo usiku, akati, “Jakobho! Jakobho!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” Akati, “Ndini Mwari, iye Mwari wababa vako; usatya hako kuburukira Ijipiti; nokuti ndichakuita rudzi rukuru ikoko; ndichaburukira Ijipiti newe, ndigokudzosazve zvirokwazvo; Josefa ndiye achatsika meso ako.”
Genesisi 46:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Isiraeri akarongedza zvose zvaakanga anazvo ndokupinda munzira. Paakasvika kuBheerishebha akapira chibayiro kuna Mwari waIsaki baba wake. Usiku ihwohwo Mwari akaratidza Jakobho chiratidzo, akamudaidza achiti, “Jakobho Jakobho!” Jakobho akati, “Ndiri pano.” Mwari ndokuti, “Ndini Mwari, Mwari wababa vako. Usatye hako kuenda kuIjipiti nokuti vana vako ndichavaita rudzi rukuru ikoko. Ndichaenda newe kuIjipiti, ndichazodzosazve vana vako kuno. Pakufa kwako Josefi ndiye achakudzora maziso achikupeta.”
Genesisi 46:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Israeri wakabva neɀose ɀaakaŋga anaɀo, akaȿika Beeri‐sheba, akaɓayira Mŋari waɓaɓa ʋake Isaka ɀiɓayiro. Mŋari akataura naIsraeri neɀiratidzo ʋusiku, akati: Jakobo! Jakobo! Iye akati: Ndiri pano haŋgu. Akati: Ndini Mŋari, iye Mŋari waɓaɓa ʋako; usatya hako kuɓurukira Egipita; nokuti ndicakuita rudzi rukuru ikoko; ndicaɓurukira Egipita newe, ndigokudzosa ɀe ɀirokwaɀo; Josefa ndiye ucatsika meso ako.
Genesisi 46:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)