Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mavambo 3:4-15

Mavambo 3:4-15 SCLB

Nyokawo ikati kumukadzi, “Kwete, hamumbofa! Chiripo ndechichi, Mwari anoziva kuti, musi wamunodya muchero iwoyo, meso enyu anopengenutswa, mobva mafanana naMwari, moziva zvakanaka nezvakaipa.” Mukadzi akaona kuti muti wacho wakanaka kudya zve unoyevedza kutarisa uyewo kuti unogona kungwarisa munhu. Ipapo akabva atora muchero wawo akadya, akapawo murume wake akadyawo. Pakarepo meso avo, vose vari vaviri, akapengenuka, vakaziva kuti havana kusimira. Vakasonanidza mashizha omuonde vachizvigadzirira zvokupfeka. Ava manheru kwotonhorera vakanzwa Mwari Tenzi achifamba-famba zvake mubindu, Adhamu nomukadzi wake vakahwanda Mwari Tenzi mukati memiti yomubindu imomo. Asi Mwari Tenzi akadaidza Adhamu achiti, “Uri kupiko?” Adhamu akati, “Ndanzwa kufamba kwamanga muchiita mubindu ndikatya nokuti handina kusimira, ndokubva ndahwanda.” Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?” Adhamu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ndive naye, ndiye andipa muchero womuti iwoyo ndikadya.” Mwari Tenzi akabvunza mukadzi achiti, “Chii chawaita ichochi?” Mukadzi akati, “Nyoka ndiyo yandifurira ndikabva ndadya.” Mwari Tenzi akataurira nyoka kuti, “Pamusana pezvawaita izvozvi, wapinda rushambwa pazvipfuwo zvose nemhuka dzose dzesango. Uchafamba nedumbu rako uchidya guruva, upenyu hwako hwose. Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pechizvarwa chake nechizvarwa chako, chizvarwa chake chichapwanya musoro wako, iwe ucharuma chitsitsinho chake.”

Verenga chikamu Mavambo 3