Nyoka ikati kumukadzi, “Hamungafi zviro kwazvo, nokuti Mwari anoziva kuti nomusi amunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”
Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero yawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo. Ipapo meso avo, ivo vaviri, akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha omuonde, vakazviitira nguo. Vakanzwa izwi raJehovha Mwari achifamba mumunda kwotonhorera madekwana, munhu nomukadzi wake ndokundohwanda pamberi paJehovha Mwari pakati pemiti yomunda. Jehovha Mwari akadana munhu, akati kwaari, “Uripiko?”
Iye akati, “Ndakanzwa izwi renyu mumunda, ndikatya, nokuti ndakanga ndisina kusimira, ndikahwanda.”
Iye akati, “Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kani muti wandakakuraira kuti urege kuudya?”
Munhu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, ndiye wakandipa zvomuti ndikadya.”
Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko icho chawakaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.” Jehovha Mwari akati kunyoka, “Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako. Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.”