Zvino vana vaikikiridzana munhumbu make, ndokubva ati, “Kana zvichidai zvichandisvitsa kupiko?” Saka akaenda kundonzwa kuna Tenzi. Tenzi akamuti, “Munhumbu mako mune ndudzi mbiri dzavanhu. Uchasununguka ndudzi dzavanhu mbiri dzichagara dzakamukirana. Rumwe rwacho ruchange rune simba kupfuura rumwe. Mukoma achashandira munun'una.” Kuzoti nguva yokusununguka kwake yasvika akapona vana vaviri, mapatya. Wokutanga akabuda akatsvukuruka, muviri wake wose wakati mvere tsvete, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Esau. Ndokuzobudawo munun'una wake akabata chitsitsinho chaEsau, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaki akanga ava namakore makumi matanhatu paakabereka vana ivava.
Verenga chikamu Mavambo 25
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 25:22-26
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo