Genesisi 25:22-26
Genesisi 25:22-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vana vakanga vachisundana mukati make, iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha. Jehovha akati kwaari, “Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana; rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe, uye mukuru achashumira muduku.” Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake. Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau. Shure kwaizvozvo, mununʼuna wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka.
Genesisi 25:22-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vana vakasundana mukati make, akati, “Kana zvakadaro, ndakaitirweiko izvozvi?” Akandobvunza Jehovha. Jehovha akati kwaari, “Mune ndudzi mbiri muchizvaro chako, ndudzi mbiri dzichaparadzana, dzichibva mudumbu rako; rumwe rudzi ruchakunda rumwe rudzi nesimba; mukuru achashumira muduku.” Zvino mazuva ake okubereka akati asvika, onei vana vaviri vari muchizvaro chake. Wokutanga akabuda ari mutsvuku, muviri wose wakaita senguo ine mvere; vakatumidza zita rake Esau. Pashure mun'una wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau, vakatumidza zita rake Jakobho. Isaka akanga ana makore makumi matanhatu pakuberekwa kwavo.
Genesisi 25:22-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino vana vaikikiridzana munhumbu make, ndokubva ati, “Kana zvichidai zvichandisvitsa kupiko?” Saka akaenda kundonzwa kuna Tenzi. Tenzi akamuti, “Munhumbu mako mune ndudzi mbiri dzavanhu. Uchasununguka ndudzi dzavanhu mbiri dzichagara dzakamukirana. Rumwe rwacho ruchange rune simba kupfuura rumwe. Mukoma achashandira munun'una.” Kuzoti nguva yokusununguka kwake yasvika akapona vana vaviri, mapatya. Wokutanga akabuda akatsvukuruka, muviri wake wose wakati mvere tsvete, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Esau. Ndokuzobudawo munun'una wake akabata chitsitsinho chaEsau, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaki akanga ava namakore makumi matanhatu paakabereka vana ivava.
Genesisi 25:22-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋana ʋakasundana mukati make, akati: Kana ɀakaɗaro, ndakaitirweiko iɀoɀi — Akandobvunza Jehova. Jehova akati kwaari: Munendudzi mbiri muciɀaro cako, Ndudzi mbiri dzicaparadzana, dzicibva muɗumbu rako; Rumŋe rudzi rucakunda rumŋe rudzi nesimba; Mukuru ucashumira muɗuku. Ɀino mazuʋa ake okuɓereka akati aȿika, ʋonei ʋana ʋaʋiri ʋari muciɀaro cake. Wokutaŋga akaɓuɗa ari mutȿuku, muʋiri wose wakaita seŋguʋo inemvere; ʋakatumidza zita rake Esau. Pashure munuŋuna wake akaɓuɗa, ruʋoko rwake rwakaɓata citsitsinho caEsau, ʋakatumidza zita rake Jakobo; Isaka wakaŋga anamakore makumi matanhatu pakuɓerekwa kwaʋo.
Genesisi 25:22-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)