Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ezekieri 43:1-17

Ezekieri 43:1-17 SCLB

Mushure maizvozvo akaenda neni kuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva onei kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kuchibva kumabvazuva uye kutinhira kwokuuya kwake kwainge kuwunga kwamafashamo emvura uyewo nyika yakabva yati ngwe-e kuchena nembiri yake. Zvino chiratidzo chandakaona chakanga chakafanana nechiratidzo chandakanga ndamboona paakauya kuzoparadza guta, chakaitawo sechiratidzo chandakamboona ndiri pedyo nerwizi rweKebhari. Ndakawira pasi nouso. Kupenya kwokuvapo kwaTenzi pakwakapinda muTemberi nokuSuo Guru rakatarisa kumabvazuva, Mweya akandisumudza akaenda neni kunhandare yomukati, ndiye onei kupenya kwokuvapo kwaTenzi kwakazadza Temberi. Murume uya paakanga amire neni kudaro ndakanzwa mumwe aitaura kwandiri ari muTemberi. Akanditi, “Iwe mwanakomana womunhu, ino iyi ndiyo nzvimbo yechigaro changu choumambo nechitambarariko chetsoka dzangu. Ndimo mandichagara pakati pavanhu veIsiraeri nokusingaperi. Imba yaIsiraeri haichazombofa yakan'oresa zita rangu rinoera, ivo kana madzimambo avo nounzenza hwavo kana nezvitunha zvamadzimambo avo. Vanoita izvi nokuisa misuo yavo pamusuo pangu namagwatidziro avo akatarisana namagwatidziro angu, nechidziro chiricho choga chatakaganhurana, ivo neni. Vakan'oresa zita rangu rinoera zvinosemesa zvavo zvavakaita, ndokusaka ndakavaroromesa nehasha dzangu. Zvino ngavakande pasi kunamata kwavo zvifananidzo ikoku, uye zvitunha zvamadzimambo vakande kure neni, iniwo ndichagara pakati pavo nokusingaperi. “Zvino iwe mwanakomana womunhu tsanangurira imba yaIsiraeri nezveTemberi nokutarisika kwayo namamiriro ayo kuitira kuti vanyare uipi hwavo. Kana vakazonyara pana zvose zvavakaita, vatsanangurire nezveTemberi, mamiriro ayo, paibudwa napo nepaipindwa napo nokutarisika kwayo kwose. Uvazivisewo mitemo yayo yose nemirao yayo yose uinyore vachiona nameso avo kuitira kuti vachengete nokuita zvose zvinorehwa nemitemo yayo yose pamwechete nemirao yayo yose. Uno uyu ndomutemo weTemberi unoti: Nharaunda yose yapamusoro pegomo chaipo inzvimbo inofanira kuereswa kwazvo. Iwoyo ndomutemo weTemberi.” Uku ndokupimwa kwakaitwa atari ichierwa namamita, (mita racho iroro rimwechete richiita zana ramasendimita rina masendimita mana). Pasi payo pakaita masendimita makumi mashanu namaviri kureba kuenda mudenga, ichiitawo masendimita makumi mashanu namaviri kufara, iine bhande rinoita makumi maviri amasendimita ana masendimita mashanu kureba kuitenderera. Uhu ndohurefu hweatari iyoyo kukwira mudenga, kubvira pasi payo pavhu apa kusvika pachimbimbi chapazasi pakaita mita rimwechete, paine upamhi hunoita hafu yemita, kubvirawo pachimbimbi chidiki kusvikira pachimbimbi chikuru chacho pachiita mamita maviri chiine upamhi hunosvika chikamu chehafu yemita. Kouya choto cheatari iyoyo chaiita mamita maviri uye kubvirawo pachoto chapaatari ichocho paine zvinenge nyanga zvina zvinoita chikamu chehafu yemita kureba kuenda mudenga. Choto cheatari iyoyo chakanga chino mativi mana akaenzana, urefu hwacho hwaiita mamita matanhatu upamhi hwacho huri mamita matanhatuwo. Chimbimbi chawo chakanga china mativi mana akaenzana, urefu hwacho huri mamita manomwe, upamhi hwachowo huri mamita manomwe chiine bhandi rakachitenderera rinoita masendimita makumi maviri namashanu. Pasiwo pacho pakaita hafu yemita kupatenderera. Matanho apaatari akanga akatarisa kumabvazuva.

Verenga chikamu Ezekieri 43