Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Ini ndakuita saMwari kuna Farao. Mukoma wako Aroni achava somuporofita wako. Iwe uchange uchitaurira mukoma wako Aroni zvose zvandinokuudza, iye achitaurirawo Farao, kuti arege vaIsiraeri vabude muIjipiti. Ini ndichaita kuti Farao aomese mwoyo wake zvokuti kunyange ndikaita zviratidzo nezvishamiso zvakawanda zvikadii zvazvo munyika yeIjipiti, Farao acharamba kunzwa zvamunoreva. Ndipo pandicharova Ijipiti ndichiiranga neshamhu inorwadza kwazvo ndichizoburitsa muIjipiti hondo dzangu dzavanhu, vanhu vangu vaIsiraeri. Pandinorova Ijipiti ndichibvisa vaIsiraeri pakati pavo, vaIjipiti ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi.” Mosesi naAroni vakaita sokuudzwa kwavakanga vaitwa naTenzi, vakaita naimomo chaimo.
Verenga chikamu Kubuda 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kubuda 7:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo