Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndakuita saMwari kuna Farao; Aroni, mukoma wako, achava muporofita wako. Taura zvose zvandinokuraira; Aroni, mukoma wako, achataura naFarao, kuti atendere vana vaIsiraeri, vabude munyika yake. Ini ndichaomesa mwoyo waFarao, ndichawanza zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu panyika yeIjipiti. Asi Farao haangakuteerereyi; ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro peIjipiti, ndikabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu, vana vaIsiraeri, munyika yeIjipiti nokutonga kukuru. VaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichitambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti, ndichibvisa vana vaIsiraeri pakati pavo.” Mosesi naAroni vakaita saizvozvo; sezvavakanga varairwa naJehovha, vakaita saizvozvo.
Verenga chikamu Ekisodho 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ekisodho 7:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo